MAMBO KANA AFA ANOVIGWA SEI?

Kingstone Mapupu

KUBVA pasichigare, madzishe kana madzimambo vagara vane mavigirwo avanoitwa ayo akasiyana nezvinoitwa kuvanhuwo zvavo uye izvi zvinosiyana nzimbo nenzvimbo.

Madzishe nenyanzvi dzechivanhu vanoti kana mambo afa, mavigirwo ake anofanirwa kuitwa zvine chiremera uye pachitevedzwa tsika dzedunhu raanga achitonga.

Kumamwe matunhu, ishe kana mambo akashaya, veruzhinji havakasike kuziviswa naizvozvo “mhere” yekufa kwake inotozoridzwa kana kwadarika masvondo kana mwedzi yakati kuti.

Panguva iyi, vepedyo-pedyo bedzi ndivo vanenge vachiziva nezvazvo apo vanoronga mavigiro avanozoita mutumbi wemutungamiriri wedunhu ravo – vachitungamirirwa nemasvikiro kana mhondoro dzedunhu.

Kune dzimwe nzvimbo, veruzhinji – nedzimwe hama dzisiri dzepedyo – vanokwanisa kutozoziviswa nezvekufa kwamambo pamwe atovigwa kana kuti mutumbi wake watoomeswa – wonoiswa mubako kana muninga munochengetedzerwa madzimambo kana kuti homwe dzemasvikiro.

Chinonzi homwe yesvikiro pachivanhu munhu anopoterwa kana kubudirwa nemudzimu.

Vamwe vanotanga vatora mutumbi wamambo, vouisa padara rinenge ragadzirwa pakati pesango uko unoomeswa uchidonha honye, wozonovigwa mubako kana muninga.

Zvinoitwa mitumbi yemadzimambo zvakawandisa kani!

. Onai nyaya iyi izere muKwayedza resvondo rino.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *