Mambo omhanya nebudiriro

MAMBO Chimombe vekuBuhera vari kutungamirira mukusimudzira budiriro yemudunhu ravo, zvikuru mabhindauko emabasa emawoko.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira dunhu iri ndokuwana Mambo Chimombe, VaCausemore Chimombe, vari mushishi kubatsirana nevagari veko mukuvaka hofisi yevechidiki iyo ichange ichishandira vanotungamirira mabhindauko aya.

“Ini ndini sachigaro wemabasa ebudiriro muno kune vechidiki ndichitevedzerwa naConrade Nyamande uyewo Jacob Mvuto ari munyori,” vanodaro.

“Tichapedza kuvaka hofisi iyi munguva pfupi iri kutevera uye tiri kuvaka zvirugwi zvehuku zvichachengeterwa huku 5 000 panguva imwe chete. Mamwe mabhindauko atiri kuita ndeemadzimai ekusona uye tine dzimba dzekuvezera dzatiri kuvakawo pano,” vanodaro mambo ava.

Basa iri riri kuitirwa panzvimbo yemabhizimisi yeRufaro Mambo apowo pachave nenhandare yenhabvu.

“Nzvimbo ino ine chibhorani chine mvura yatinoshandisa uye pane migodhi yakadzika miviri. Tinotarisira kuti makambani emigodhi anoti Shava, Dorowa, Substar, Dinhidza nemamwe ari muno achatibatsirawo mubasa ratiri kuita,” vanodaro Mambo Chimombe.

Vanoti vane hurongwa hwekuti nzvimbo iyi ipedzisire yave muzinda unodzidziswa vechidiki mabasa emawoko zvinova zvinoenderanawo nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Pasi pechirongwa ichi, mabasa emawoko anokurudzirwa zvikuru sehwaro hwebudiriro yeupfumi hwenyika.

“Tine hurongwa hwekuti nzvimbo ino igumisire yaita Vocational Training Centre, vana nevanhu vakuru vouya vachidzidziswa mabasa emawoko.”

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *