Tadious Manyepo ari kuNDOLA, Zambia
ZIMBABWE nomusi weChipiri manheru yakataridza kuti ichine basa guru rekuita zvichitevera kukundwa kwayakaitwa neZambia mufainari yemutambo we4Nations Women’s Championship muLevy Mwanawasa Stadium kuZambia.
Pane musiyano mukuru pakati pezvikwata zviviri izvi zvichitevera kudzikira kwange kwaita nhabvu yevanhukadzi muZimbabwe, izvo hutungamiriri hweZIFA huri kuyedza kugadzirisa.
Mutsauko uyu wakataridzwa zvakare apo Copper Queens yakabudirira mumutambo uyu uye yave kugadzirira kuenda kufainari yeWAFCON kuMorocco mwedzi unotevera.
Kusiyana nemuna Zvita gore radarika apo Zambia neZimbabwe zvakabandana zvakare mufainari ye4Nations muBingu National Stadium kuLilongwe, kuMalawi, uye Zambia yakahwinha 3-1, rwendo rwuno zvikwata izvi zvange zvine vatambi vazvo vepamusorosoro.
Mutambo uyu wakarongwa senzira yekusimudzira zvikwata zveZimbabwe, Zambia, Lesotho neKenya apo zvinenge zvichigadzirira mitambo mikuru inotevera.
KuZambia neKenya, mutambo uyu wakapa mukana mukuru wekugadzirira WAFCON.
Kenya yakarakasha Lesotho 6-0, izvo zvakaona ichidzokera kuNairobi nemenduru yebhuronzi.
Zimbabwe yaitarisira kuti ichakundawo Zambia sezvo yagara ichikundwa kubva mugore ra2019 asi zvakakona n’anga murapwa achida.
Mukana wacho wakange uripo asi zvakaramba.
Mutambi wekumberi anogara achivimbwa naye, Ethel Chinyerere, akawana mukana wekunwisa apo akatora bhora ndokutarisana nemubati wepagedhe weZambia, Hazel Nali, uyo akange atovhunduka uye arara pasi.
Asi, Chinyerere, kunze kwokuti akave bhora iri riri nechemuchadenga, akaarirova rakananga mubati wepagedhe uyu, izvo zvakaita kuti Zambia ipunyuke.




