MaMighty Warriors opinda muhondo

Veronica Gwaze ari kuPOLOKWANE, South Africa

CHIKWATA chenyika chemaMighty Warriors chakasvika kuSouth Africa chiine chivimbo chikuru chokuti chicharwa semvumba apo chiri kupinda mumutambo weCOSAFA Women’s Championship.

Chine vatambi vechidiki pachiri kupinda mumakwishu akaoma aya, izvo zvichataridza kusimba kana kusasimba kwacho mumutambo uyu.
Zimbabwe yakasvika kuSouth Africa ichinyatsoziva kuti mazuva anotevera acharatidza gwara riri kutorwa nechikwata ichi maringe nekutamba mitambo yepasi rose panguva iyo chichangobva kuvandudzwa.

Murairidzi mukuru wemaMighty Warriors, Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda, akasanganisa vatambi vagara vachitamba pamwe chete nevechidiki apo ari kuzama kuvaka chikwata chaane chivimbo nacho kuti chinokwanisa kubudirira mumutambo weWomen’s Africa Cup of Nations uye kupinda mumaOlympics mukati memakore matatu ari kutevera.
Makwishu aya anomupa mukana wekuona mamiriro chaiwo akaita chikwata chake kubva paakatanga kuchivaka gore rapera.

“Tiri kutarisira kuumba chirongwa chakasimba, chinoita kuti tikwanise kuenderera mberi uye ndicho chikonzero takaunza vatambi vechidiki muna Zvita gore rapera,” anodaro Sibanda.
“Makwishu aya achaita kuti tione patimire chaipo, budiriro yavepo uye basa rinoda kuitwa kuitira kuti tigare takagadzirira.

“Ndinofara kuti takasvika zvakanaka. Takapa vasikana mukana wokuti vambozorore uye nhasi (Chitatu) tichaita gadziriro dzedu kuitira mangwana.”
Zimbabwe iri muGroup B, umo ichatanga kutatsurana neEswatini, mumutambo unogona kunge wakaoma.

Mushure memutambo uyu, maMighty Warriors achabandana neZambia neBotswana, izvo zvichapa Sibanda mukana wekuona pamire chikwata chenyika ichi sezvo zvikwata zviviri izvi zviri nyanzvi mumutambo uyu.
Kuti chikwata chenyika ichi chisvike kumasemifainari, chinotofanirwa kutosunga dzisimbe mumitambo yose iri mitatu.

Asi uyu unogona kuve mutoro mukuru sezvo chikwata ichi chichangobva kuvakwa patsva.
Mushure mekuburitswa kwemaMighty Warriors pamatanho emagroup mumakwishu aya akadarika, Sibanda anoda kuona vatambi vake vachirwa semvumba uye kuve nechidokwadokwa chekukunda mumutambo uyu.

“Kusvika pari zvino zvinhu zviri kufamba zvakanaka uye gadziriro dzedu dzange dzakasimba. Semurairidzi, ndiri kuona shanduko yavepo, izvo zvinotaridza kuti tiri kuvaka chikwata chakasimba,” anodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *