Mamiriro akaita madhamu haana kusanduka

Muchaneta Chimuka
Sangano reZimbabwe National Water Authority (Zinwa) rinoti huwandu hwemvura mumadhamu emuZimbabwe hauna kusanduka, zvisinei nekunaya kwemvura kumamwe matunhu enyika. Huwandu hwemvura (national avarage dam level) hwakaderera kubva pa68,1% kuenda pa67,8% svondo radarika.

Mukushi wemashoko kuZinwa, VaTsungirayi Shoriwa, vanoti Manyame Dam ndiro rine mvura yakawanda kupinda mamwe madhamu apo riine chikamu che88% richiteverwa neMazowe Dam iro riri pa86,6%.

“Mzingwane iri pa81,3%, Save 77,2%, Sanyati 76,7%, Gwayi 65,6% kuchiti Runde iri pa53,9%. Hapana shanduko iripo kana takatarisa maringe nehuwandu hwemvura, zvisinei nekuti kwakambonaya kune mamwe matunhu.

“Asi zvakadaro, madhamu mazhinji achine mvura yakaringana iyo inokwanisa kubatsira varimi pakudiridza neyekushandisa mumaguta,” vanodaro VaShoriwa.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze mvura sezvo yakakosha muraramo  yavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *