Mamiriro ekunze

Kubva 3 Mbudzi kusvika 6 Mbudzi 2016:

Nyika yose yakasangana nekupisa kwakanyanya pamwe nekuve nemwando kubva musi wa23 kusvika 25 Gumiguru. Izvi zvakakonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze, kunyanya kumatunhu anoti Matabeleland, Mashonaland, Midlands neManicaland. Munguva yemuchidimbu chekutanga chevhiki, mvura yakanaya ichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze aya asi yaive shoma zvikuru. Muchikamu chechidimbu chechipiri cha26 kusvika 30 Gumiguru zviteshi zvishoma zveMeteorological Services Department zvakawana mvura shoma yakanaya zvakare, zvisinei Plumtree yakawana mvura yakawanda yakanaya iyo yaive 25 mm musi wa26 Gumiguru.

1 Mbudzi kusvika 6 Mbudzi: Mvura inotarisirwa kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika kunyanya kumatunhu eMashonaland, Matabeleland North nekumusoro kweManicaland.

Ngationesanei:

Mwando uri kuramba uripo chiratidzo chekutanga kwemwaka wemvura mukuvamba kwemwedzi waMbudzi. Kukwira kwekudziya kwekunze kunoreva kuti mvura yakawanda iri kuenda kudenga (evaporation) zvichirevawo kuti mvura yange ichinaya yange ichibva yangokwira kudenga.

Zvisinei, chiri kunyanya kushungurudza idutu remhepo nechivhuramahwe izvo zvinowanzoitika panguva ino zvichiparadza gorosi rakarimwa munguva yechando iro rinenge richiri muminda risati rakohwewa. — Met Department.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *