Mary anoda kufumura Mwenje muKwayedza

Munyaradzi Gunduza

Kereke inofa

kuti Kereke Inofa kunofambirana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatara cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidza Svondo yezuva raitevera, mharidzo yake yaizonangana nekusazvibata kwavo.

Anoti aizovareururira nekuti vega havaizvigona.

Pastor Mwenje vanomukumbira ruregerero vachiti vaizomuitira chese chaaida kuti asaite zvinhu zvaizouraya kereke.

Musoro webhuku unozadziswa naMary anovimbisa kuzivisa vemapepanhau nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah.

Izvi zvinojekeswa pavanenge vari kuchipatara cheWest End, paanovaudza kuti aizotanga kufumura nyaya yavo yekupa Sarah mwana kuburikidza nevepepanhau reH-Metro kana reKwayedza.

Pastor Mwenje vanofamba nemabvi vachienda pedyo naMary vachimukumbira kuti asadaro nekuti zvaizovaputsira kereke yavo.

Musoro wemutambo unoti Kereke Inofa unoburitswa pachena naZebra anotsigira kuti kereke ife.

Tinozviona paanomuka pamubhedha muchipatara cheWest End mushure mekunge afenda, anoshevedzera kuna Pastor Mwenje kuti kereke yavo ngaife, kwese kwaive kufa nekuti yakanga yaparadzawo imba yake.

Apa aitsigira Mary aitaura zvekuti aida kuuraya kereke yaPastor Mwenje.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

 

Nhare: 0772 610 360, Email:  [email protected]

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *