Mamvemve haana kumubatsira

Janet Chikotosa
SAMUSHA vekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi apo vainyepera kunge rombe nekuuya kudare vakapfeka marengenya kana kuti mamvemve pamwe nekuita sematsi vakazoigochera pauhutsi zvichitevera kufumurwa kwavakaitwa nemukadzi wavo.

Danise Zhuwawo akamhan’arira Givemore Mazviziva kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta vana vavo.

“Vakuru vedare, ndinokumbirawo mari yemendenenzi kubva kuna baba vevana vangu ava. Vanoita basa rekugeza mota vachiwana mari yakawanda.

“Kupfeka mamvemve kwaakaita uku nekunyebedzera kunge matsi haasiriwo magarire ake, kuda kuti dare rimunzwire tsitsi asabhadhare mendenenzi.

“Haazive kuti vana vanodyei, kupfeka uye mari yevana yechikoro haabvisi. Ndakamboedza kutaura naye takatadza kunzwisisana,” akadaro.

Mazviziva akaudza dare kuti haakwanise kubvisa mari yaidiwa nemukadzi wake nekuti haashande. Ini handiende kubasa changamire wangu.

“Ndinotochengetwawo nevabereki uye ndine chirwere cheshuga. Zvekugeza mota zviri kutaurwa izvi ndakasiyana nazvo kudhara.

“Ndingatokwanisa $15 chete pavana vaviri ava,” akadaro Mazviziva achiswededza nzeve pedyo nemutongi kuitira kuti anyatsonzwa semunhu aizviti ndimatsi.

Mutongi Gamuchirai Siwadi akati Mazviziva abvise $50 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×