Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba wekuti vana ava vabatsirike.
Mai Tracy Kaviya parizvino vakapihwa mubhedha muchipatara cheChitungwiza Central Hospital umo vari kurapwa.
Tsaona yekutsva nemafuta iyi yakaitika nemusi wa1 Chikunguru gore rino.
“Zvakaitika ndezvekuti nomusi wa1 mwedzi uno, mwana wangu ari muGrade 5 akaenda akanogadza poto ine mafuta pachitofu chegasi achigadzirira kuti azobika machipisi ekuenda nawo kuchikoro. Saka paakagadza poto yemafuta iyi, akabva arivara achitarisa zvinhu zvitsva izvo
akanga ari kuisa munharembozha yake iyo yaive itsva zvakare. Panguva iyi, ini ndaive mubhedhuru mangu ndiri mushishi kuyamwisa vana apo ndakanzwa kunhuwa kwakanyanya kwekutsva kwemafuta,” vanodaro.
Mai Kaviya vanoti pakarepo vakabva vatsveta vana pamubhedha ndokumhanya kuimba yekubikira vachibva vasvikowana mafuta aya ava kubvira rimi remoto.
“Pakarepo, ndakabva ndabata poto ndichiibvisa pachitofu asi marimi emoto akabva aputika achibva aenda pahanzu yandainge ndakapfeka ichibva yatanga kubvira. Ndakabvsa hanzu yangu pakarepo, asi sekuti izvi zvainge zvisina kukwana, ndakabva ndatsvedza nekuda kwemafuta aye
ainge arasikira pasi ndichibva ndatsva zvikuru makumbo ese kusvika kuzvidya,” vanodaro.
Vanoti vakaendeswa kuSally Mugabe Central Hospital mushure ndokuzodarikidzwa kuChitungwiza Central Hospital uko vari kurapwa.
“Kutsva kwandakaita machiremba anoti kune hudzamu hwe15 – 20 degrees uye ndiri kurwadziwa zvikuru. Dambudziko riripo nderekuti ndine vana mapatya vanova musikana nemukomana vane mwedzi miviri yekubarwa vanoda kuyamwiswa. Ini ndinenge ndiri muchipatara ivo vari
kumba uye vanongounzwa kuno mangwanani nemasikati kuti ndivayamwise saka manheru vanenge vachida mukaka wemumagaba unova dambudziko guru kuuwana,” vanodaro.
Vanoda kubatsira vanogona kumubata panhamba dzinoti 0771 895 592.
Mudzimai uyu akapa kutenda kukuru kusangano reTwins Association of Zimbabwe iro rakavimbisa kuzomubatsira nemukaka wemumagaba.




