Mamwe mabikirwo enyama yeguru

USAVI hwenyama yeguru hunonaka zvikuru uye tinowana mapuroteni kubva kwahuri asi hunoda kubikwa zvakanaka.
Svondo rino Farirai Mlambo wekuChipinge anotitsanangurira mamwe mabikirwo enyama yeguru zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:
Poto, chikari, pani, matomatisi, munyu, nyama yeguru, hanyanisi nedovi

Mabikiro:
Tora nyama yeguru wocheka kuita zvidimbu zvakanaka.
Suka matomatisi nehanyanisi wocheka muzvidimbu zvidiki.
Gadza poto, chikari kana pani pamoto woisa nyama imomo nemvura shoma.
Rega zvimbokwata kwemaminitsi makumi mana uye kana mvura yapera, isa hanyanisi nematomatisi.
Ramba uchikanga kwemaminitsi gumi, wozoisa dovi zvipunu zviviri nemvura woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.
Raidza kuti zvaibva here wochizobura.
Nyama yeguru inogona kudyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×