Mamwe marwaivhi ane muchetura

TSVAKIRIDZO yakaitwa neKwayedza padandemutande (Internet) inoratidza kuti nyanzvi dzezvemararamiro erwaivhi dzinoti chipuka ichi chine mhando dzakasiyana – dzine muchetura nedzisina.

Dandemutande rewww.chameleonflash.com rinoti kune marwaivhi ane michetura koitawo mamwe asina uye izvi zvinonzi zvinosiyana nyika nenyika.

Kune marwaivhi anonzi anogona kuuraya vanhu kana vakarumwa nawo koitawo mamwe asingauraye.

Zvinonzi mamwe marudzi acho ane muchetura usina huturu hwakasimba zvekuti haugone kuuraya munhu asi hunongorwarisa chete nekukanganisa mitezo.

Mimwe michetura inowanikwa murwaivhi inonzi inogona kuremadza munhu kana achinge arumwa narwo, zvichienderana nekuti vanhu vanenge vakurumidza kubatsirwa here kana varumwa.

Rwaivhi rwunosandura ruvara kana rwuchinge rwagumburiswa ruchiita ruvara rwakasiyana-siyana zvakaita segreen, red, blue, yellow kana orange.

Mhando dzemarwaivhi dzinonzi dzinodarika 150 uye dzinosanganisira Jackson chameleon, Fischer chameleon, Oustalet chameleon, Panther chameleon neCalyptratus.

Rwaivhi rwunodya zvinhu zvakasiyana zviri muchikamu chetumbuyu, kunosanganisira hwiza.

Pane mamwe mashoko anoti rwaivhi rwunoburitsa mweya wekuti vanhu vakafema vanogona kurwara nawo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *