Murume hutu neshamwari

Tafadzwa Mutsotso—

MUPURISA wechikadzi anoshandira pakamba yekuBeatrice anoti akagurwa kunorira neshamwari yake yepamoyo iyo yakamutorera murume wake zvikaita kuti wanano yavo iparare.

Pamela Gocha akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko akaendeswa nemurume wake, Alfred Ndoya, anova mushandi weZimbabwe National Water Authority, achiti ari kumushungurudza.

Ndoya aikumbira dare kuti ridzivise Gocha kuti asauye kumba kwake achiti ari kumuonesa pfumvu.

“Uyu aimbove mudzimai wangu asi takazosiyana mushure mekunge tatadza kunzwisisana. Ndanga ndichikumbirawo dare kuti rimurambidze kusvika pamba pangu nekuti ave kugara achiuya achingondituka pamwe nekundityisidzira kuti anoda kundiuraya,” akadaro Ndoya.

Akaenderera mberi achiti, “Kutaura kuno atori nemumwe murume waanogara naye asi anongoda kuramba achinetsana neni. Chaanovinga kumba kwangu handichizive nekuti mari yemendenenzi ndinobvisa mwedzi wega-wega.

“Ngaasiyane neni neupenyu hwangu, ndinodawo kufurwa nemhepo.”

Akati akatoendesa chikumbiro chake chekuti varambane kudare guru reHigh Court sezvo vaine muchato.

“Ari kuramba achienderera mberi nekundishungurudza zvekuti akatomboburitsisa nyaya yangu nemusikana wandiri kufambidzana naye mubepanhau reH-Metro,” akadaro Ndoya.

Gocha akaudza dare kuti haana kumbobvira anetsana naNdoya asi kuti ainge atodzingwa pamba nekuda kwemukadzi ari kufambidzana nemurume wake uyo waanoshanda naye.

“Zvaari kutaura manyepo, kumba kwake ndakakusvika kamwe chete ndichida kubvunza kuti sei mari dzevana dzakanga dzatora nguva dzisingapinde kubhanga. Handina kumbomurwisa kana kumutuka, munhu wandakatonetsana naye ishamwari yangu inova ndiyo yave pfambi yake.

“Mukadzi iyeye aive shamwari yangu uye tichishanda tose, atori pasi pedisciplinary committee yekubasa nekuda kwenyaya iyoyi,” akadaro Gocha.

Gocha akaenderera mberi achiti, “Zvaari kutaura zvekuti ndakaendesa nyaya yake kuH-Metro hazvina umboo. Handisini ndakaendesa nyaya yake kupepanhau. Zvakare, ari kutondinyepera kuti ndine murume wandiri kugara naye pari zvino, ndinogara nevana vangu chete.” Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vazodzoka kudare kuti vanzwe mutongo wavo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *