Mancini achaedza kutenga Ivanovic

ROBERTO Mancini anonzi achaedza kutenga Branislav Ivanovic kuti agouye kuzotambira Inter Milan uye nekumupa kondirakiti yemakore maviri.
Kondirakiti yaIvanovic kuChelsea inotarisirwa kupera mwaka uno uye anogona kutanga kutaurirana nezvimwe zvikwata muna Ndira mwedzi unotevera kana achida kuzobva kuchikwata ichi.

Zvinonzi Ivanovic ange achida kuramba achitambira nhabvu yake kuStamford Bridge uko kwaave nemakore manomwe ari asi kusvika parizvino hapana tarisiro yekuti anogona kupihwa imwe kondirakiti.

Inter Milan yekuItaly yave kuedza nepainogona kurwisa kuti mutambi uyu aende kunovatambira kutanga mwaka unotevera.
Inter iri kuda kupa Ivanovic kondirakiti yemakore maviri, kwete yegore rimwe iyo yaanogona kuwana kuChelsea, asi hunge vakati vanoda kumupa imwe kondirakiti.

Shasha dzePremier League idzi dzine mutemo wekuti dzinongopa kondirakiti yegore rimwe chete kune vatambi vadarika makore 30 ekuberekwa.

Mumiriri waIvanovic akarakidza chiedza kuInter apo akati chizvarwa chekuSerbia ichi haazive kuti remangwana racho rakamira sei.
Mushure mekunge ati Ivanovic anogona kusaina imwe kondirakiti, akati, “Munhabvu zvinhu zvese zvinogona kungoitika. maNerazzuri (Inter) vanogona kunge vachida kumutenga pachapera mwaka uno kwete kumutenga muna Ndira.”—Daily MirrorFootball

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *