Mandwandwe, Sakubva High 1 zvakadadisa

ZVIKORO zvinoti Mandwandwe High School yekuBulawayo neSakubva 1 High kwaMutare ndizvo zvakahwina mumitambo yeNational Association of School Heads Softball Championships Under 20 and 16 Tournament yakatambirwa paMilton High School kuBulawayo.

Kumitambo yeUnder-20, Mandwandwe yakakunda Nemakonde High School yekuMashonaland West 12-8 mufainari ndokuhwiniswa US$250, mukombe nemenduru yegoridhe.

Kuboka reUnder-16, Sakubva 1 yakakunda Nemakonde 3-1 ndokuwana mukombe, menduru pamwe nemari.

Mitambo iyi yaive nezvikwata 32 zvakabva kumapurovhinzi masere uye imwe neimwe yakatumira zvikwata zvina – zviviri zveunder-20 nezviviri zveunder-16.

Secretary General weZimbabwe Softball Association, Witness Nkomo, anoti mutambo weSoftball uri kukura zvakanyanya uye wave kutambwa kumapurovhinzi akasiyana.

“Softball yasimuka zvinonwisa mvura zvatiri kuyemura tega isu uye tinovimba kuti mumakore anotevera mutambo uyu unge wave kutambwa kumapurovhinzi ose.

“Parizvino mapurovhinzi mashoma asara chete asingatambe mutambo uyu asi tiri kushanda navo tichivakurudzira kuti mutambo uyu utange kutambwa kuzvikoro zveko,” anodaro Nkomo.

Mutambo weNash Softball National High Schools Explosion wakarongwa kuburikidza nemari yakabva kuNash sezvo usati wave nevakotsveri.

Nkomo anoti sangano ravo riri kushanda zvakasimba kuti ritsvage vakotsveri kuti mutambo uyu usimukire.

“Takamboedza kutsvaga vakotsveri asi vazhinji vaiti vanoda kudira mari mumutambo unotambwa mumapurovhinzi ose uye isu tiri kutoshanda zvakasimba kuti ukure usvike kumapurovhinzi ose.

“Tinovimba kuti mukufamba kwenguva mune ramangwana redu tinge tave nevakotsveri vakasimba vanodira mari yekubatsira kuronga mitambo yakasiyana,” akadaro Nkomo.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *