ZVIKORO zvine chitsama zvakakumba mibairo nguva yadarika pakuparurwa kweManicaland Provincial Merit Awards.
St Faith High School, iri kwaMakoni yakatora mubairo weBest O-Level neA-Level mushure mekukunda zvikoro zvose zvekuManicaland pakupasa kwevana mubvunzo dzegore rapera.
Muhurukuro nemutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, VaIrvin Mudaye, vanoti vanonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kuri kuita vadzidzi vavo.
“Kuzvambura chikoro yave tsika yedu, kudya kwedu. Zvinobva kunesu maticha acho, vakuru vechikoro,” vanodaro VaMudaye.
St Faith pabvunzo dzeO-Level dzegore rapera yaive nevana 140 vakabuda nemaA mashanu (5 As) zvichikwira uye paA-Level ine vana 107 vaiva nema28 points zvichienda mberi.
“Mibairo yatatora iyi ichapawo zvimwe zvikoro shungu. Vana ngavafarire chikoro,” vanodaro VaMudaye.
Holly Gost Marange yakapihwa mubairo weBest Rural O-Level uye ine vana 13 vakaita maA mashanu (5 As) zvichikwira.
Mukuru wechikoro ichi, VaJustice Mafi, vanotenda vabereki, vadzidzisi pamwe nevana vechikoro nekushanda nesimba kwavari kuita.
“Vabereki vedu vanotisimudzira chaizvo, ndinovatenda. Ngazvirambe zvakadaro,” vanodaro VaMafi
Sakubva 1 High, chinova chimwe chezvikoro zvakatangwa kuvakwa muZimbabwe, yakawana mubairo weBest A-Level Urban School. Chikoro ichi chine vana vanomwe vakabuda nema15 points zvichikwira pabvunzo dzegore rapera.
VaAbisha Mutipa, avo vanove mukuru wechikoro ichi vanoti vane tarisiro yekuti vana vavo vabudirire kudarika zvavakaita gore rapera.
St Dominic’s Mutare High School yakahwapura mubairo weBest O Level Urban School iyo yaive nevana 49 vakaita maA mashanu (5 As) zvichikwira.
Mukuru wechikoro ichi, VaFrancis Mukoyi, vanoti vana vavo vari kubatsirikana zvikuru nechirongwa chePerformance Lag Address Programme (Plap) icho chakananga kubatsira vana vanonoka kubata zvidzidzo.
“Plap ndiyo shasha yaita kuti tinge tichiwana mubairo. Chirongwa ichi tiri kuchishandisa nemazvo kubatsira vana vanosarira kumashure.
“Zvekuti mugwaro rega-rega vadzidzisi vanenge vave kukwanisa kuona panogona mwana nepaasingagone,” vanodaro VaMukoyi.
Vanoti zvimwe zvedzidzo zviri kugonwa nevana pachikoro pavo iHistory neShona.
Gore rapera, pavana vakanyora History paO-Level 159 vavo vaive nemaA kuchitiwo vamwe 47 vakabuda nemaA kuShona.
“Chidzidzo chine dambudziko kuvana vedu masvomhu, havaade zvichibva nemafungiro avo kuti chidzidzo ichi chakaoma,” vanodaro.
St Dominic’s yakawanawo mubairo wekugona kuridza mbira uye ndiyo iri pamusoro pezvikoro zvose zvemuZimbabwe.
Murambinda B Secondary yakatora mubairo weBest Growth Point Secondary School.
VaLeonard Usavi vanove mukuru wechikoro ichi vanoti chiri kusimukira zvikuru.
“Gore ra2014 vana vakapasa O-Level vaive nechikamu che27% avo vakazokwira kuenda pa36% muna 2015. Izvi zvinoratidza kushanda nesimba kwevadzidzisi vedu,” vanodaro.
Inyathi Mine High iri kuHeadlands yakawana mubairo weBest Perfomanace Rural School uye yaive nevana vatatu vakabuda nema15 points paA-Level.
Kuzvikoro zvepuraimari, Mutare Junior School ndiyo yakatora mubairo weBest Urban School kuchitiwo Nyanyadzi Primary ikahwapura weBest Rural School.




