Mango dzamutsa hondo

Ashley Muchamiri
VANHU vaive mudare vakaita sevachatyoka mbabvu nekuseka apo muzukuru aipopotedzana nesekuru naambuya vake achiti vari kumurambidza kutemha mango.

Elemencia Chingwaru akamhan’arira Taliban Phinias anove hanzvadzi yaamai vake nemudzimai wake – uyo asina kudomwa zita rake mudare reHarare Civil Court – achiti vari kumushungurudza.

“Vanonditadzisa kutemha mango, vachindituka semwana mudiki izvo zvandishaisa rugare. Ndinokumbira gwaro rerunyararo nekuti ndinoda kutemha mango dzangu zvakanaka. Uyezve handidi kutukwa nekushoropodzwa,” anodaro Chingwaru.

Phinias anoti nyaya yemango yave kuvapesanisa pahukama hwavo.

“Vanobvumidzwa kutemha zvavo mango dzavo nekuti nyaya yemango yatopesanisa hama,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chingwaru gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *