Manyatatu oda rubatsiro

Kingstone Mapupu
MHURI inogara kuRuwa, pedyo neHarare – iyo yakaropafadzwa nevana vatatu avo vakasunungukwa panguva imwe chete (manyatatu) – iri kutsvaga rubatsiro rwezvinhu zvinosanganisira mukaka nembatya dzevana.

Mai Tulani Saidi (31) vanoti makomborero makuru kuti vakasununguka manyatatu vanoti vakomana vaviri nemusikana asi dambudziko ravapo nderekushaya zvekuti vana ava vararame zvakanaka.

“Ini nemurume wangu tose hatishande, patinogara tinoroja uye tine vamwe vana vaviri vanoti mukuru ane makore 13 okuberekwa uyo anopinda chikoro nemudiki ane makore mana ava kuda kuenda kukireshi.

“Vana vacheche ava vasvitsa mwedzi vaberekwa uye ndakavasunungukira kuchipatara cheParirenyatwa. Zvino mukaka wangu hausi kukwana zvekuti tinombotenga mumwe wekuwedzera uyo usingaite mazuva mana usati wapera,” vanodaro.

Mai Saidi vanoti vakasununguka vana ava zvakanaka.

Murume wavo, Abraham Moyo (32), anongoita zvekubata-bata zvinoita kuti awane mari shoma yekuriritira mhuri yavo.

“Mari yatiri kuda inodarika zviuru zviviri zvemadhora uyewo tinoda mbatya dzevana ava, sipo, magumbeze, mafuta ekuzora nezvimwewo,” vanodaro Mai Saidi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvinhu zvakatiomera, kudya chaiko kwekuti ini saamai ndiwane kunoita kuti ndiite mukaka handina.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemukoma wavo, Mai Sibonisiwe Dhlovu (40), vachiti vari kukumbira vane tsiye nyoro kuti vavabatsire.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0785 607 868 kana 0775 393 004.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *