
Nyasha Mutena
MUKOMANA wemuForm 4 pachikoro cheAlpha Institute, kwaMutare, ari kuita mashura nekunyora nhetembo pamwe nekudzidetemba, idzo dzimwe dzacho dziri kutenderera padandemutande kuburikidza nemavhidhiyo. Shingai Manyengavana, uyo achangobva kuhwinha zvakare mubairo kumakwikwi enhetembo eKwayedza Detemba Tinzwe, anoti akashamisika zvikuru paakaona kutenderera kuri kuita vhidhiyo renhetembo dzake padandemutande.
“Ndakashamisika uye ndakambotsamwa pandakaona vhidhiyo randakatorwa ndichiita detembo. Zvakandirwadza zvakare sezvo ndainge ndisina munhu wandakataurirana naye kuti aite izvi. Ndichiri kukura nokudaro zvinhu zvizhinji ndinotoda kudzidziswa,” akadaro Shingai.
Anoti kunyangwe zvakambomutsamwisa, akazadzwa nemufaro mushure mekuziva kuti vanhu vakawanda vanofadzwa nechipo chake.
Shingai anoti akaona kuti ane chipo chakakomba chekunyora nhetembo nekudziverenga mugore ra2009 uye kubva ipapo akabva atanga kushanda nesimba sanyanduri.
Zvichakadaro, mukomana uyu akatenda Kwayedza nekupa mukana kuvana vane matarenda ehunyanduri kuti varatidze zvipo zvavo.
Mukomana uyu anoti kusvika pari zvino ave nemibairo mishanu yaakawana kuburkidza nekudetemba.
Mugore ra2013 akaita nhamba yechipiri munyika yose pakudetemba kumakwikwi eStar Brite.
Shingai anoti chishuwo chake ndechekuzoita basa rekutora nhau kana kuve mushamarari panhepfenyuro kana achinge apedza chikoro.
Anoti amai vake, Mai Tinashe Manyengavana, nababa vake vanomutsigira zvakanyanya pakunyora nhetembo.
Muhurukuro naMai Manyengavana vanoti vanodada zvikuru nechipo chemwanakomana wavo.
Vanoti mwana anoita manyukunyuku kana akaziva kuti mubereki wake ane hany’a naye.




