MAONERO EDU: Enda kuchipatara, kwete kungofunga kuti wakaroyiwa

21082014KWA-MAI-HAR-03PACHIVANHU, kazhinji munhu akarwara, kune vamwe vanofungira kuti anogona kunge akaroyiwa. Aya mafungiro agara ariko kubva kare-kare, uye hazvina kushata. Asi mafungiro aya anoita kuti vamwe vanhu vasvike padanho rekurwarisa zvakanyanya, kana kutofa chaiko, nezvirwere zvakaita semalaria izvo zvinogona kudzivirirwa kana kurapika nguva ichiripo ndokunge murwere akaenda kuzvipatara nekumakirinika nenguva. Makore ano kune zvirwere zvakawanda zviri kungonyuka nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana zvekuti kana munhu akazvirera achifunga kuti zviri kukonzerwa nekuroyiwa zvinogona kugodza mumuviri zvozonetsa kuti zvirapike kuchipatara.

Muenzaniso wakanaka ndewe nyaya yatakaburitsa nguva pfupi yadarika, yemadzimai maviri, mumwe wekwaChinhamora kuDomboshava newekuHighfield, muHarare, vose vakaita makore mana matumbu avo akafutunuka kunge vaive nemimba. Muhurukuro dzemadzimai aya neKwayedza, vose vakabuda pachena kuti vaive nefungidziro huru yekuti vakaroyiwa nevehukama, nekudaro izvi zvakaita kuti vapedze makore mana vaine matambudziko aya vachitadza kutsvage rubatsiro kuchipatara.

Mushure mekunge nyaya dzemadzimai aya dzabuda mubepanhau rino, vechipatara cheChitungwiza Central Hospital vakazozvipira kuvavhiya pachena. Mukuvhiiwa kwavakaitwa, mudzimai wekuHighfield akaburitswa chinhu chairema 25 kgs uyuwo wekuDomboshava ndokuburitswa chairema 10 kgs. Vose vave kutonzwa zviri nani.

Zvakazobuda pachena kuti kune vanhukadzi vane chitsama vane matambudziko akadai asi vamwe vavo vanosarudza kugara mudzimba vakangonyarara. Svondo rine tine imwezve nyaya inosiririsa, yemudzimai wekuNorton anove muporofita, uyo anoti ave nemakore matatu dumbu rake rakangozvimba uye anofungidzira kuti anoroyiwa nehama dzake. Muporofita uyu akademba kuvatori venhau achiti haadi kuti nyaya yake ibude mubepanhau, izvo zvaanoti zvinoita kuti mamwe maporofita awane mukana wekumupinga. Izvi zvinoratidza kuti pfungwa dzekuti munhu akangorwara kana kuti akasangana nedambudziko anofunga kuti zvine chekuita nechivanhu asi dzimwe nguva zvisirizvo.

Kudai madzimai maviri akavhiiwa kuChitungwiza Central Hospital asina kuzowana rubatsiro zvichingonzi kuroyiwa chii chaiitika kwavari? Zvichida nhasi uno vangadai vave nhoroondo bedzi.

Kana makore atanga chirwere cheshuramatongo, cheHIV/Aids, vamwe vaifungira kuti kuroyiwa uye kune vamwe vachiine pfungwa dzakadai nanhasi uno. Iyo Ebola yanetsa kunyika dziri kuWest Africa iyi, kune vamwe ikoko vachiri kungofungira kuti chivanhu. Zvakakosha kuti veruzhinji vagare vachiongororwa utano hwavo kuzvipatara nekumakiriniki kana vachinge varwara nekuti hazvibatsire kumboenda kun’anga nemaporofita apo chirwere

chinenge chichidingindira mumuviri. Semaonero edu, bazi reutano nekurerwa zvakanaka kwevana, richibatsirana nemamwe mapoka anoona nezvekusimudzirwa kweutano, rine basa guru rekupa chenjedzo kuruzhinji pamusoro pekukosha kwakaita kuenda kunorapwa nguva iripo kana vachinge varwara.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×