Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro

MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke.

Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura (51), kuMbare, nomusi weMugovera wadarika achiti iye aive chiremba anokwanisa kupedza dambudziko rechirwere chekuzvimba pahuro (goitre) raaive naro.

Muzvare Gwamura akaendeswa kune imwe imba kuUnit D, kwaSeke, uko Mutore anonzi akavhiyiwa pahuro.

Mapurisa akati basa iri harina kufamba zvakanaka, izvo zvakazoita kuti Muzvare Gwamura afe.

Vari kufeya nyaya iyi vakawana machira akasvibiswa neropa akasungirirwa mumutsipa memufi, bhagidhi rine machira akadai nemidziyo inofungidzirwa kuti yakashandiswa pakuvhiyiwa kwacho.

Midziyo yaisimbochengeterwa mishonga yakawanikwawo pedyo nemutumbi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, akati Mutore akasungwa achipomerwa mhosva yekuponda. Mapurisa akakurudzira vanhu kuti vasiyane nekutsvaga rubatsiro kubva kune vanhu vasina marezenisi ekurapa.

“Tinoramba tichikurudzira voruzhinji kuti vasiyane nekutsvaga rubatsiro kubva kuvarapi vasina marezenisi pamwe neavo vanoshandira munzvimbo dzekurapira dzisina kunyoreswa,” vakadaro Comm Nyathi.

Mwanasikana waMuzvare Gwamura, Muzvare Tiny Nyamudzanga, akaudza pepanhau rino kuti Mutore akanga araira amai vake kutenga mishonga nezvimwe zvinhu zvaidiwa pakuita basa iri.

“Takasangana naMutore kuMbare. Akazviti ndichiremba akadzidzira basa iri, ndokutitungamirira kuenda kuimba iri kwaSeke, inova yaPerpetua Matava.”

“Mutore akaita oparesheni iyi, amai vangu ndokubva vashaya panguva yaiitwa izvi,” vakadaro Muzvare Nyamudzanga.

Vakati Mutore akatiza mushure mekuona kuti Muzvare Gwamura afa, achiti aienda kunotenga mushonga pachitoro chemishonga chaive pedyo.

Zvakadaro, Mutore akamiswa pamberi peChitungwiza Magistrates’ Court nguva pfupi yadarika, achitarisana nemhosva yekuuraya.

Related Posts

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Mwanasikana onetswa nengozi yemutorwa

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 17 weimwe mhuri inobva kwaSabhuku Kufa, kwaMambo Chiduku, kwaRusape, anoti ashungurudzwa nengozi yemutorwa inosvika paari. Tanatswa (kwete zita rake chairo) anoti ngozi inosvika paari iyi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×