Maonero edu: Mari kubhanga, kwete mupiro

SVONDO rino tine imwe nyaya yemhuri yekwaNenguwo, kuMarondera, iyo inoti yakaviga mushakabvu nemari inosvika US$450 asi yakaita izvi nekusaziva. Mari iyi inonzi yaive yakasonererwa mupiro iyo yakazovigiswa nayo mushakabvu nekusaziva. Nyaya iyi yakatozozivikanwa apo hama dzemufi dzainge dzogova nhumbi. Sekubuda kwenyaya iyi, hama dzemufi dzinonzi dzakaenda kumapurisa nekwamambo wavo vachikumbira mvumo yekuti vafukunure guva iri vagotora mari iyi asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Ishe Nenguwo vari kuti chipini kuti guva remushakabvu rifukunurwe rigovharwa zvakare. Vanotizve kana guva iri rikafukunurwa mari yacho yakawanikwa kana kushaikwa zvichafamba sei?

Nyaya iyi inoita kuti vanhu vape mifungo yakasiyana, sekuti vamwe vangati mhuri yemushakabvu haingatambure iyo mari iri muguva.
Asi sekutaura kwemutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, pasi pemutemo guva remushakabvu haringofukunurwe nhando. Vanenge vachida kuita izvi vanofanira kutanga vanyorera vachikumbira mvumo kubva kubazi rinoona nezvinoitika mukati menyika vachitsanangura zvizere zvikonzero zvekuti sei vachida kufukunura guva.

Pakufukunurwa nekuzofushirwa kweguva iri, panofanira kunge paine mapurisa. Izvi zvinoitirwa kuti vanhu varemekedze marinda nekuti pasina kudaro vamwe vanhu vanogona kuita zvedambe nemakuva chinova chinhu chisina kunaka. Semunyaya yekuMarondera iyi, hazvishamise kuzonzwa mune ramangwana kuti guva rinonzi rakavigwa mushakabvu aine mari iri rakafukunurwa nedzimwe nhubu dzichida kuba mari iyi. Tinodaro nekuti mushure mekubuda kwenyaya iyi mubepanhau rino, dzimwe nhubu dzicharonga mazano ekuda kutora mari iyi. Vacharonga siku nesikati kuti mari iyi voitora sei muguva irori. Tinodaro nekuti kana vamwe vanhu vachimbofukunura makuva vorasira mutumbi pasi nechinangwa chekutora bhokisi kuti vanotengesa, vangatadze nei kufukunura guva riri kunzi rine US$450 iri?

Kana guva iri rikazofukunurwa vanenge vabatwa kuti ndivo vanamuparanzvongo vanofanira kurangwa zvakaomarara.
Dai pasina mutemo uripo uyu maringe nekufukunurwa kwemakuva tinovimba kuti vamwe vanhu vaitoita madiro aJojina.

Pane nyaya dzinombobuda dzemamwe maporofita enhema ayo anonzi anofukunura makuva ocheka nhengo dzevachakabvu vanenge vachangobva kuvigwa. Nhengo dzemuviri idzi dzinonzi dzinozonokandwa kudzimba dzinenge dzichichenurwa nemaporofita kana n’anga dzenhema idzi apo vanozonyepa kuti mabasa evaroyi.

Chitsosti chakadai ichi chapesanisa hama neshamwari kumatunhu akawanda enyika. Asi nekune rimwe divi, zvakaitika paguva rekuMarondera zvaigona kudzivirirwa dai nyakuchengeta mari mupiro uyu akashandisa dzimwe nzira sekuisa mari kubhanga. Vanhu vanogarokurudzirwa kuti vasachengetere mari mudzimba kana kuicherera mumabindu nekuti inokwanisa kubiwa kana kuparadzwa ndokunge pakaita moto. Asi nekusateerera kurudziro iyi, vamwe vanochengetera mari munzvimbo dzisina kukodzera fume mangwana vodemba sezvava kuita mhuri yekwaNenguwo iyi. Sekuona kwedu, mari, ingava shoma kana yakawanda, ngaichengeterwe pakakodzera. Kana iri zhinji ngaiendeswe kubhanga kwete kusonerera mupiro kana kuchengeta muhomwe.
Mari kubhanga, kwete kuchengetara mupiro!

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×