Maonero Edu: Mhirizhonga iyi ngaipere

NYAYA dzine chekuita nemhirizhonga yemudzimba dzinonzi dziri kuwanda panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Pari zvino veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba senzira yekumisa kupararira kwedenda iri izvo zviri kupawo mukana wekuti nyaya dzemhirizhonga dziwandewo sezvo baba, amai nevana dzimwe nguva vose vanenge vari pamba.

Mhirizhonga iyi iri kuitirwa kumapoka ose kubvira kune mudzimai, murume nevana vacho.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya yemudzimai wekwaMutare ari kurarama upenyu hunosiririsa zvikuru zvichitevera kudzingwa kwaakaitwa pamusha pake nehama dzemurume wake dzichimupomera kuti anoita zvechipfambi.

Sekutaura kwemudzimai uyu, murume wake ari kuSouth Africa uye haazi kutumira mari kana chikafu chemhuri yake kuti irarame.

Mushure mekudzingwa pamusha pemurume wake, mudzimai uyu aimborara mudzimba dzevamwe vemunharaunda vane tsiye nyoro.

Pari zvino ari mushishi kuzvivakira imba yemapango nemadhaka mubindu uye panzvimbo yaari kuvakira pedyo rerwizi izvo zvine njodzi kuutano hwake nevana sezvo vachigona kubatira zvirwere zvakasiyana.

Kamba kari kuvakwa aka kadiki zvikuru zvekuti hakana kukodzera kugarwa nevanhu vashanu, amai nevana vavo vana.

Nyaya yemudzimai uyu inoburitsa pachena kushungurudzwa kuri kuitwa vanhukadzi pamwe chete nevana munguva ino yeCovid-19.

Pasi pemutemo, imhosva kudzinga mudzimai nevana vake pamusha pavo pasina kupihwa mvumo nematare edzimhosva.

Kune nyaya dzakawanda dziri kubuda mazuva ano dzemhirizhonga dziri kuitika mudzimba.

Kune vamwe vari kurarama upenyu hwekugara vachirwa, kurohwa kana kunyimwa chikafu.

Asi, handi vanhukadzi nevana chete vari kushungurudzwa mudzimba sezvo vamwe vanhurume zvakare vari kuoneswa pfumvu nemadzimai avo.

Sangano rinomirira vanhurume rePadare/Enkundleni Men’s Forum rinoti nyaya dzekushungurudzwa kwevarume nemadzimai mudzimba dziri kuwandawo panguva ino.

Sangano iri rinoti kune varume vakawanda vari kurohwa kudzimba nemadzimai avo, vamwe vavo vachingonyarara asi vachikuvadzwa.

Kushivirira ikoku kwagara kuriko kuvarume, vanofira muchinyararire sehwai nekuda kwekuti vanonyara kubuda pachena kuti vari kushungurudzwa nemadzimai avo.

Vamwe varume vari kusvika pakutiza pamusha nekuda kwekushungurudzwa uku.

Mhirizhonga yemudzimba yemhando ipi zvayo haina kunaka nekudaro nyaya dzerudzi urwu dzinofanirwa kumhan’arwa kumapurisa kana kumasangano akasiyana anorwira kodzero dzevanhu.

Covid-19, neimwe nzira, yapa mukana wekusimbaradza kubatana kwemhuri kuburikidza nekugara vanhu vari vose kwenguva refu kwete kuita zvemhirizhonga.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×