MAONERO EDU: Zvichiri kuitika,munyika muno, mukore uno?

SVONDO rino tine imwe nyaya inoti kuvhundutsa pamwe nekusuwisa, inove yevamwe vanhukadzi vekudunhu raShe Matsiwo, kuGuruve, avo vanonzi vari kupa varume vavo mipfuhwira yakasanganiswa nemvura inenge yagezeswa zvitunha.

Nyaya iyi inorovesa hana. Chokwadi zvakadai zviri kuitika munyika muno, mukore uno here?

Hongu, kubvira pasichigare nyaya dzemupfuhwira dzakagara dziriko asi mipfuhwira iyi yaive yekusimbisa rudo pakati pemurume nemukadzi uye mimwe yacho vaitodya vose pasingashandiswe mishonga inokuvadza mumwe. Kwete zvavako mazuva ano izvi, zvekuti munhu anoshandisirwa mvura yakagezeswa zvitunha. Iye achigosara ava chii?

Dununu, zengeya, chituta kana zeeretsi. Zvozonakei? Kuita uku hakuna kumbosiyana nemunhu anoroya. Apfuhwirwa seizvi akasiyanei nechitunha?

Sekutaura kwaShe Matsiwo, kushandiswa kwemupfuhwira wemhando iyi kwakurumbira mudunhu ravo zvekuti ivo vari kuedza kutora matanho akananga kupedza dambudziko iri.

Vanhurume vanodyiswa mupfuhwira unenge wakasanganiswa nemvura yakagezeswa zvitunha iyi vanonzi vanopedzisira vave madununu kana kuti mafuza. Zvino hungave upenyu here hwekuti murume hapana chaanoti bufu mumba, mukadzi achiita zvaanoda? Kana zvikomba zvotoita madiro, “baba vemufananidzo” vakangoti nde-e!

Semaonero edu, vakadzi vanonzi vari kushandisira varume vavo mipfuhwira yakadai havana rudo navo nekuti zvavari kuita zvakafanana nekuuraya munhu. Zviri pachena kuti mvura inenge yakagezeswa zvitunha iyi inenge iine tsvina zvinoreva kuti ine utachiona hwakasiyana hunogona kukonzera zvirwere kune uyo anenge aishandisirwa. Zvirwere izvi zvinosanganisira zvemanyoka zvakaita sekorera.

Ngatimbotii mupfuhwira wemhando iyi washandiswa kunyika dziri kudunhu reWest Africa uko kwapedzwa vanhu nechirwere cheEbola, pane anopona here?

Sekutaura kwaShe Matsiwo, nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge vamwe vanhukadzi vakange vashandisira mupfuhwira uyu kuvarume vavo vakaenda kwavari vachitsvaga rubatsiro apo varume vavo vakange vangova madununu, pasisina chavachakwanisa kuita.

Vakadzi ava vava kuzvidya moyo pamwe nekudemba kuti vakange vazviitirei.Ichi chinofanira kuve chidzidzo kune vamwe vose kuti kushandisa mishonga yakadai hazvina kumbosiyana nekuroya.

Kune vamwe zvakare vakakuvadza vadikani vavo, vamwe kusvika pakufa chaiko, mushure mekunge vapihwa mipfuhwira inokuvadza.

Zvakakoshawo zvakare kuti masangano anomirira n’anga nemapofita akurudzire nhengo dzawo kuti dzisape vanhu mishonga yakadai. Hongu, kune vamwe vanoti mupfuhwira rudo asi kana mumwe osvika pakudyiswa zvekudya zvinenge zvabikwa nemvura yakagezeswa vafi pakadai hapasisina rudo.

Semaonero edu, munhu chaiye akakwana haangasvike pakushandisira mumwe wake mupfuhwira wakadai, kunyangwe zviite sei.

Muchidimbu tinoti aya mabasa ehuroyi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×