MAONERO EDU: Zvino kana vana vodai

SVONDO rapera, bepanhau reKwayedza rakaburitsa imwe nyaya inoshamisa — nyaya iri pamusoro pevamwe vana vane makore ari pasi pe18 okuberekwa avo vari kuti vanodawo kuwaniswa mishonga, mapiritsi nedzimwe nzira dzinoshandiswa pakurera mhuri semakondomu.

Vanoti izvi zvinovaita kuti vasasane pabonde pamadiro vasingazotya kutapuriswa zvirwere kana kuita mimba dzisina kurongerwa.

Sekutaura kwevana ava pamusangano wavakapinda muHarare – vamwe vavo vane makore mapfumbamwe ekuberekwa — vanoti vanoda kuwaniswa mishonga nemapiritsi ekurera mhuri, kusanganisira makondomu, muzvipatara nemumakiriniki pasina kubvunzwa mibvunzo gumi nefararira.

Vana ava ari kupa zvikonzero zvekuti ivo vanhuwo vanonzwa kuda kuita zvepabonde, nekudaro vanofanirwa kuwaniswa nzira dzekurera nadzo mhuri.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano reSouthern African HIV and AIDS Dissemination Service (SAfAIDS) uyo wakapindwa nevatori venhau.

Musangano uyu waive nechinangwa chekuti Hurumende inge ichitarisa kodzero dzevana maringe nenyaya dzekurera mhuri mushure mekuona kuti pachiri nemukaha mukuru.

Pamusangano uyu, vechidiki vakakumbira Hurumende kuti kuve nemutemo unoita kuti vawaniswe mapiritsi nemishonga yekurera mhuri vachiti mazuva ano vave kuchimbidza kuyaruka izvo zviri kuita kuti vapinde munyaya dzebonde vachiri vadiki.

Pasi pebumbiro remutemo wenyika, imhosva kupinda pabonde nemusikana kana mukomana ane makore ari pasi pe18 okuberekwa.

Nekuti uyu anenge achiri mwana!

Zvino kana vana vane makore anotangira pamapfumbamwe kusvika gumi nemanomwe okuberekwa voti vave kuda mapiritsi e”family planning” zvose nemakondomu ekurera mhuri, unobva wazvishairwa shumo yazvo.

Mwana ari kuita Grade 7 kana Fomu 1 oti iye ari kuda mapiritsi ekurera mhuri?

Mhuri yaanoronga nani iye achiri mwana anenge achichengetwa nevabereki vake?

Amai nababa voronga mhuri, mwana wavari kuchengeta oitawo zvimwe chetezvo? Kutodungamidzana vakananga ku”pharmacy”?

Iyoyo haiite!

Ko tsika dzedu dzinozosara dzava papi?

Hongu, vana sevanhuwo vanogona kunzwa kuda kupinda munyaya dzepabonde, asi handizvo zvingabva zvaita kuti vabude pachena vachiti vanotoda kuti pave nemutemo unovatsigira kuti vange vachiwaniswa mapiritsi ekurera mhuri.

Vana ngavazive zvekuchengetwa zvakanaka nevabereki vavo pamwe nekushanda nesimba kuchikoro kuti vagove neremangwana rakajeka, kwete kuti vanoda zvekurera mhuri.

Zvingaite here kuti amai vari kunwa mapiritsi ekuronga mhuri uyewo nerimwe divi vachipawo mamwe mapiritsi mamwe chetewo kumwanasikana wavo ane makore gumi nemashanu okuberekwa kuti anwe?

Kana mamiriro ezvinhu asvika pakadai hazvina kumbosiyana neSodhoma neGomora uye tsika dzinenge dzaenda kumawere.

Patsika nemagariro echivanhu, hazvina hunhu kuti vane makore ari pasi pezera rekupinda muwanano vanikwe vachiita zvebonde.

Nyaya yekuti vamwe vana mazuva ano vave kuchimbidza kuyaruka nekudaro vanofanira kuwaniswa mishonga yekurera mhuri haina musoro zvachose nekuti kuita kwakadai kutokurudzira hunzenza.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×