Kusapinza mwana chikoro kukoka jeri

Zvamaida Murwira
DZIDZO yepuraimari ichange yave yepachena, ichifanirwa kuitwa nevana vose uye vabereki nevamwe vanochengeta vana vanotadza kuvaendesa kuchikoro vachasungwa voendeswa kujeri, kana zvimwe zviri kuda kunzi zvive mugwaro rekuvandudza fundo, reEducation Bill, zvikapasiswa nedare reParamende.

Svondo rapera, dare reNational Assembly rakatambira chikumbiro chakabva kumumiriri weProportional Representation, Muzvare Priscilla Misihairabwi-Mushonga, chekuti vabereki vanotadza kuendesa vana vavo kuchikoro apo vanenge vachibhadharirwa mari neHurumende vasungwe.

Izvi zvakabuda pachidanho cheCommitte apo gwaro iri raizeyewa hurukuro idzi dzichitungamirirwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima.

Dare reNational Assembly rakatambira chikumbiro chaMuzvare Misihairabwi-Mushonga chekuti mwana wose ange achienda kuchikoro pachena, uye kuti vabereki vanotadza kuendesa vana kuchikor vasungwe nekutongwa mumatare pamwe nekuendeswa kujeri.

Prof Mavima vanoti vanowirirana nechikumbiro ichi.

“Tinowirirana nezviri kutaurwa izvi uye tinofunga kuti basa rekuona kuti mwana aenda kuchikoro nderemunhu anenge achichengeta mwana. Saka zvinoreva kuti vabereki nevamwe vanenge vachichengeta vana vane basa rekuona kuti vaenda kuchikoro,” vanodaro Prof Mavima.

Zvisinei, mudare iri makave negakava guru apo Muzvare Misihairabwi-Mushonga vakatiwo chikumbiro chavo chekuti zvikoro zvinofanira kupa vanasikana zvekushandisa panguva yekutevera chinofanirwa kutambirwa zvakare.

Prof Mavima vanoti vanowirirana nepfungwa iyi asi zvikoro hazvifanire kumanikidzwa kuti zvipe vanasikana zvekushandisa panguva yavo yekutevera.

Vamiriri vematunhu akasiyana mudare iri vakatsigira zvaitaurwa naMuzvare Misihairabwi-Mushonga vachiti zvakakosha kubatsira vanasikana vanenge vachiri kuenda kuchikoro nezvekushandisa panguva yekutevera, kuchitariswa kudhura kwazviri kuita pari zvino izvo zviri kuita kuti vakawanda vatadze kuzvitenga.

Prof Mavima vanoti zvikoro hazvifanire kumanikidzwa kuburikidza nemutemo kuti zvipe vanasikana zvekushandisa panguva yekutevera nekuti kana zvikatadza kuzadzikisa izvi zvinozopedzisira zvaendeswa kumatare edzimhosva.

Vanoti zvimwe zvikoro zvinogona kuzotadza kuzadzikisa zvinenge zvichidiwa nemutemo nekuda kwekushaya mari. Mushure megakava guru, dare reNational Assembly rakazotambira chikumbiro chaMuzvare Misihairabwi-Mushonga semapiro avakange vaita.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *