Maonero Edu: Zvinongoda kuti fare, fare tindike

NGUVA iye yepagore inenge yakamirirwa nevanhu vakawanda yezororo reKisimusi neGoredzva yazosvika.

Vanhu vazhinji vanotarisira nguva iyi nekuti ndipo pavanowana mukana wekumbozorora kuenda kumabasa pamwe nekuwanawo nguva yekushanyirana nehama neshamwari.

Kunze kwezororo reKisimusi (musi waZvita 25 na26), pane mamwe mazororo zvakare anoti zuva rekubatana reNational Unity Day (Zvita 22) nairo Goredzva (Ndira 1). Izvi zvinoita kuti nguva iyi irebese kudarika mamwe mazororo epagore. Kune mamwe makambani anombomira kushanda achizotanga muvhiki rechipiri mumwedzi waNdira.

Panguva iyi zvakawanda zvinotika, zvimwe zvacho zvinofadza zvimwe zvichisuwisa. Vamwe vanenge vachifara nehama neshamwari izvo zvisina kuipa asi zvakakoshawo kuziva kuti kangoma karirisi ndiko kaparuki. Pamusoro pezvo, mufaro mwena ukatevedza unoguma saka veruzhinji ngavati fare, fare tindike. Kune vamwe vachaita rombo rakanaka rekupihwa mari dzemabhonasi vachitendwa kushanda kwavanenge vakaita nesimba kwegore rose.

Mari iyi ngaishandiswe zvine musoro nekuti ikangopfachurwa-pfuchurwa mangwana munhu anofuma ochema kana kutsvaga varoyi pasina. Mari muenzi inouya ichienda nekudaro anenge aiwana ngaagare pasi nemhuri voronga zvine pundutso. Hazvina kunaka kuti mwana azodzingwa chikoro gore rinouya asi baba kana amai vakapfura mari pazororo sezvinonzi vaiziva kuti hakuna chinonzi mangwana. Ino ndiyo nguva yekuita gadziriro yekuona kuti mari yechikoro yevana yabhadharwa nguva ichiripo pamwe nekuti mayunifomu nezvimwe zvose zvinodiwa kuchikoro zvavepo kwete kuzoita zvekumhanya-mhanya nguva yapera. Kana mafetireza nezvimwe zvekurimisa zvinodawo mari.

Ko iwo matsotsi zvawo, anenge akasvinudzawo maziso pamari iyoyo. Pamusoro pezvo, kune vamwe vachatora mukana wezororo uyu kushanyira hama neshamwari kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira kumaruwa zvinova zvinokudzwa.

Asi zvakakoshawo kuti nzendo idzi dziitwe nguva ichiripo kuitira kudzivirira kuzoenda kuzororo nezuva rekupedzisira apo zvifambiso zvinenge zvichinetsa kuwana uye zvichidhura.

Vanofamba nzendo ngavaongororewo motokari, mabhazi kana makombi avachakwira kuti haazi ana tenda wasvika here nekuti zvakakosha kuchengetedza upenyu.

Seyambiro inogaropihwa nemapurisa nguva dzose, zvakanaka kuti veruzhinji vakwire mabhazi kana makombi panzendo dzavo nekuti dzimwe motokari duku idzi dzave kushandiswa nenhubu dzine zvinangwa zvekubira vafambi. Vatyairi vose ngavafambewo zvakanaka mumigwagwa kuburikidza nekutevedzera mitemo yemumigwagwa kwete kutyaira sevanhu vagarwa nemweya yakaipa.

Gore negore panguva ino vamwe vanhu vanorasikirwa neupenyu nekuda kwetsaona dzemumigwagwa idzo dzinokwanisika kudzivirirwa kana vatyairi nevamwe vanoshandisa migwagwa iyi vakatevedzera mitemo.

Muve nezororo reKisimusi rakaropafadzwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×