‘Mapepanhau ndiko kupfeka kwangu’

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira munziyo dzechitendero, Prevalent Sithole, anoti anozvishambadza kuburikidza nekupfeka zvipfeko zvakashongedzwa nemapepanhau senzira yekukwezva nekufadza vatsigiri vake.“Mubasa rengu rekuimba ndakaona kuti hapana mumwe muimbi anozvishambadza nenzira yekupfeka mapepanhau uye zvinokwezvawo vanhu vanoona nekuteerera nziyo dzangu. Ndinowanzopfeka zvipfeko zvakashongedzwa nemapepanhau kana ndichiimba kumashoo izvo zvinenge zvichiyevedza nekufadza vakawanda pakutamba nekuimba kwangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Zvipfeko izvi ndinozvishongedzera basa rangu rekuimba chete, handina kumwe kwandinozvipfekera. Pakupfeka mapepanhau aya, ndinoshandisa akaverengwa kare emuno ndichimasonerera pamucheka kana hembe yandinenge ndakapfeka. Kuzvishambadza uku ndakakudzidzira kuburikidza nezvidzodzo zvekugadzira zvipfeko (designing) zvandakaita,” anodaro Sithole.

Sithole achangobva kuparura kambo kake kanonzi Tikwaziseiwo ako anoti ane tarisiro yekuti kachafadza veruzhinji.

“Kambo aka ndakakabudisa kari koga uye ndiri kutarisira kuti vhidhiyo yacho inobuda munguva pfupi iri kutevera nekuti ndava kutoribika parizvino. Kanodzidzisa vanhu vakagarisana munharaunda dzakasiyana kuti vanofanira kufambidzana zvakanaka zvisinei nekuti mumwe anotambura kana kuti anowana. Hatizivi kuti mangwana munhu anofuma ava papi uye mumwe anofuma awana rombo rakanaka zvekuti chero kutaurika naye kunenge kusingachaiti. Vanhu vanofanira kubatana nekufambidzana mukugarisana kwavo,” anodaro Sithole.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *