Kubika misoro yehuku

ZVIRI MUGAPU

MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.Svondo rino Shamiso Mapfumo wemuHarare anorondedzera mabikirwo akanaka enyama iyi.Zvinodiwa: Kana uchiita yekutenga, tenga misoro yehuku muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Geza misoro yehuku nemvura yakachena uchiibvisa rurimi. Bvisa makushe kana kuti mambava anenge asarira uchishandisa mvura inopisa.

Wozodii?

Chimwaya munyu nezvimwe zvinorungiswa se”chicken spice”. Isa mafuta mupoto wosiya apise wozokanda misoro yehuku uchikanga.

Kana ichinge yatsvukira, chikanda hanyanisi wokanga kwemaminitsi matatu. Mushure meizvi, chikanda matomatisi pamwe nekuita kuti muto usare wakatsvukira.

Misoro yehuku usaidherere nekuti unozviruma rurimi nekunakirwa! Inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana mupunga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *