Maporofita nen’anga vanotiwo . . .

Kingstone Mapupu
MAPOROFITA nen’anga vanoti vari kutevedza zvizere kurudziro yeHurumende nemasangano anoona nezveutano yekuti vasaunganidze vanhu vakawanda pamasowe nemunzvimbo dzavanoshandira vari senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Madzibaba Gamba VaMartin Madzura (36) vekuBudiriro 2, muHarare, vanoti havasi kubvumidza vanhu kuungana pamasowe pavo.

“Ibasa redu tose kurwisana neCovid-19 sekurudziro iri kupihwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa. Pasowe pangu handisi kubvumira vanhu vanodarika 40 vari kuuya kuzobatsirwa,” vanodaro Madzibaba Gamba.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakawirirana nevamwe vangu kuti hatifanirwe kudarika murairo webazi rezveutano uyewo nekurudziro yemutungamiri wenyika. Kune vane zvirwere zvatisinganzwisise, tiri kubva tangovati vaende kumakiriniki.

“Pasika iyo tagara tichiitira kwaGandanzara, kwaRusape, takatoimisa,” vanodaro Madzibaba Gamba.

Kuchiti Mbuya Alice Masoko Kwenda vemuHarare vanotiwo: “Ndiri n’anga uye pamba pangu panouya vanhu. Vose vanouya vanogeza mawoko avo kugedhi pakupinda nepakubuda.”

Vanoti nekuda kweCovid-19, veruzhinji vanotofanirwa kukoshesa utsanana. Madzibaba Bornia Mutsakanyi, vanova mudare pasowe raMadzibaba Stalin kuGlen Norah C, muguta reHarare, vanoti vave kubatsira vanhu vasingadarike makumi mashanu panguva yoga-yoga.

“Zvose zviri kutaurwa neHurumende tiri kutevedza kubvira kuutsanana nekudzikisa huwandu hwedu pamasowe.”

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *