Mapurisa obatana nezvikoro, nharaunda kurwisa kutorwa kwezvinodhaka

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akabatana nebazi rezvedzidzo yepurayimari nesekondari pamwe nenharaunda mukurwisa kushandiswa kwezvinodhaka iro rinove dambudziko rarura munyika, kunyanya kune vechidiki.

Nomusi weChina svondo rino, mapurisa akabatana neveruzhinji mukuita chirongwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka pamutambo mukuru uyo wakaitirwa paWarren Park 6 Primary School, muHarare.

Izvi zvakaona vanhu vachifora kubva kwaMereki Shopping Centre kusvika pachikoro ichi, vachipa chenjedzo yekuipa kwekutora zvinodhaka nemhirizhonga yepabonde.

Vachitaura pachiitiko ichi, Superintendent Zibusiso Nyoni vanova Acting Officer Commanding Harare North District vanoti semapurisa chinangwa chavo chikuru ndechekuchengetedza nharaunda kuburikidza nekusimbaradza kudyidzana kwakanaka neveruzhinji senzira yekudzivirira kuparwa kwemhosva munyika.

“Musangano uyu weCommunity Engagement Symposium pakati pebazi rezvedzidzo, mapurisa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu wakakosha mukusimbisa hurongwa hwekurwisa kuparwa kwemhosva, kushandiswa kwezvinodhaka nemhirizhonga mudzimba. Tinoda kuumba nyika isina kuparwa kwemhosva kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro zveVision 2030,” vanodaro.

Vanoti kuchengetedzwa kwevanhukadzi nevana kunoda mushandirapamwe uye mapurisa ari kushushikana nenyaya dzekushungurudzwa kwevana pamwe nemhirizhonga yemudzimba izvo zvinokanganisa hupenyu hwemhuri.

“Mapurisa akaonawo kuwanda kwemhirizhonga kuvanhukadzi apo imwe yacho yakabuda pachena kuburikidza nevhidhiyo raitenderera pamadandemutande raamai vairova mwana vakasunga mawoko nemakumbo ake netambo. Asi tinofara kuti mupari wemhosva takatomubata, tichitenda zvakare rutsigiro rweveruzhinji mukunyevera mapurisa maringe nenzvimbo dziri kuparwa mhosva zvinoita kuti mabasa edu ave nyore,” vanodaro Supt Nyoni.

Vanoti kushandiswa kwezvinodhaka kunokanganisa nyaya dzeutano, zviroto nemhuri nebudiriro munyaya dzedzidzo.

Vanotenda kuumbwa kwemapoka eZimbabwe Crime Prevention Committees ayo ane chinangwa chekurwisa kuparwa kwemhosva munharaunda dzakasiyana.

Vakafanobata chigaro chaDistrict Schools Inspector (DSI) kudunhu reWarren Park, VaFavour Muyambo, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese kudzivirira kuparwa kwemhosva uye kutorwa kwezvinodhaka muzvikoro.

VaExevia Maoneke vanova sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvekuchengetedzwa nekudzivirirwa kwenyika uye varwi vehondo yerusununguko (Parliamentary Portfolio Committee on Défense, Home Affairs,

Security Services and War Veterans) vakataridza kugunun’una zvakanyanya nekupindwa kuri kuitwa nzvimbo dzinoremekedzwa dzakadai seMuseum of African Liberation nevanhu vanoita zvinodhaka vachinyangadza nharaunda.

Vanoti izvi zvave kuvatuma kuti vavake mudhuri wakakwirira uye kuona kuti nzvimbo iyi yachengetedzwa nemazvo kwemaawa24 azere.

Zvichakadaro, kanzuru yeHarare, kuburikidza nechikamu cheyo cheSocial Services yakapa midziyo yehutsanana kuvanasikana yekuti vashandise panguva yekutevera.

Danho iri rinotevera ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanasikana vazhinji vari kurasikirwa nedzidzo nekuda kwekushaya midziyo iyi vachigumisisira vave kurovha kuchikoro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×