Muchaneta Chimuka
HAKUDANWI anonzwa svondo rino kumakwikwi eCommissioner General of Police’s Sports Gala apo mapurisa ari muchikamu chePolice Protection Unit (PPU) ari kukwikwidza mumitambo yakasiyana kuMorris Depot, muguta reHarare. Mitambo iyi yakatanga nemusi weMuvhuro uye inotarisirwa kupera neMugovera. Vachitaura nevatambi vari mumakwishu aya, Officer Commanding Police Protection Unit Senior Assistant Commissioner Lee Muchemwa — avo vaive muenzi anoremekedzwa — vanoti vanotenda zvikuru rutsigirwo rwakabva kumakambani akasiyana.
“Ndinonzwa kufara zvikuru nechiitiko chino apo ndiri kutambidza midziyo yezvinhu zvichashandiswa nevatambi ndichitenda zvakare vatsigiri vedu vakazvipira kuti mutambo uyu unge uchibudirira,” vanodaro.
Vatambi 258 vari kukwikwidza mumitambo inosvika 17 iyo inosanganisira nhabvu, netball, rugby nekutuhwinha. “Ndinofara zvikuru kuti pane vari kukwikwidza mumitambo iyi 94 vavo madzimai zvichireva kuti vari kutora chikamu che36,4%,” vanodaro Snr Asst Com Muchemwa.
Vakapawo kutenda kukuru kuna Comm-Gen Augustine Chihuri nekushanda nesimba kwavari kuita mukusimudzira mitambo iyi.Vachitaurawo pachiitiko ichi, Assistant Inspector Charles Rice vanove Deputy Provincial Chaplain vakakurudzira kuti vatambi vazvibate panyaya dzepabonde.
“Ndinoziva kuti mese mabva kumatunhu akasiyana masiya varume venyu, vamwe mukasiyawo madzimai enyu saka tinokurudzira kuzvibata,” vanodaro.




