Mapurisa tagadzirira: Matanga

Muchaneta Chimuka

MASANGANO anorwira kodzero dzevanhukadzi ari kushanda pamwe chete nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) mukurwisa nyaya dzemhirizhonga idzo dzinogona kusangana navo munguva yesarudzo dzenyika.

Masangano aya akaita musangano wakapindwa nemapurisa muHarare nguva pfupi yadarika.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi – icho chine dingindira rinoti “Kupedza Mhirizhonga Kumadzimai” – mukuru wemapurisa eZRP, Commissioner-General Godwin Matanga, vanoti mapurisa akagadzirira kurwisa nyaya dzemhirizhonga munguva yesarudzo sezvo aine chinangwa chekuona kuti dzaitwa murunyararo.

“Ndinoda kutora mukana uno kuti ndizivise ruzhinji rweZimbabwe kuti mapurisa eZRP akatogadzirira kurwisa mhosva dzemhando dzose dzingaparwa panguva yesarudzo. Ndinokuvimbisai kuti sarudzo idzi dzichaitwa murunyararo uye takatowanza mapurisa mumatunhu ose kubvira panotanga sarudzo kusvika padzinozopera,” vanodaro.

Comm-Gen Matanga vanoti kuparurwa kwechirongwa ichi kunobatsira mukusimbaradza mamwe mabasa avari kuita pasi pekomiti iri kuona nezvesarudzo, yeZRP 2018 Harmonised Elections Committee, iyo inotungamirirwa naSenior Assistant Commissioner Erasmus Makodza.

Sally Ncube

“Chikwata ichi chiri kushanda nemapoka ose mukuona kuti sarudzo dzaitwa murunyararo uye mamwe mapoka achiri kushanda nawo anosanganisira nhengo dzeHurumende, Zimbabwe Electoral Commission (ZEC), Zimbabwe Human Rights Commission (ZHRC), veruzhinji nemamwe masangano akazvimirira.

“Mapurisa achange achishanda siku nesikati mukuchengetedza runyararo uye veruzhinji havafanire kuregedza kumhan’ara nyaya dzose dzine chekuita nemhirizhonga nedzimwe,” vanodaro.

Comm-Gen Matanga vanoti veruzhinji vakasununguka kushandisa kodzero dzavo pasina kumbunyikidza mukusarudza vatungamiriri vavanoda.

Murongi mukuru kusangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe (Wcoz), Sally Ncube, anokurudzira vanhukadzi kuti vamhan’are nyaya dzavanenge vachisangana nadzo mumatunhu avo pasina kutya kuti dzinge dzichitariswa neziso remutemo nenguva.

“Tiri kufamba tichiita makambeni mumatunhu ose tichifundisa vanhu munharaunda zvinofanira kuitwa pakumhan’ara nyaya dzavo,” anodaro.

Mamwe emadzimai aive pamusangano wekuparurwa kwechirongwa chekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi panguva yesarudzo.

Sangano reZimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA) rinotiwo richange richibatsira vanhukadzi munyaya dzemitemo uye richivamirira pachena kumatare edzimhosva.

VaSptephen Snook, avo vanove mumiririri wesangano reIFES, vanotenda mapurisa eZRP nekuchengetedza runyararo munyika munguva yesarudzo.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *