Mapurisa vovhima mhondi

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MAPURISA ekuChinhoyi ari kutsvaga nemeso matsvuku murume wekwaMurombedzi, kwaZvimba, uyo ari kupomerwa mhosva yekuponda aimbove mudzimai wake nekuda kweshanje sezvo achinzi ange ave kudanana nabamukuru — murume wemukoma wake.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanotsinhira nezvekufa kwaKerina Matarutse (37) aigara panhamba 10 999 Mapako, kuChinhoyi, uyo anonzi akapondwa naClever Gara wekwaMurombedzi.

Mhirizhonga iyi inonzi yakaitikira pamba paMatarutse muChinhoyi.

Insp Mabgweazara vanoti Matarutse naGara vange varambana uye vasisagare vose.

Matarutse anonzi anga ava kudanana nabamukuru vake – murume wemukoma wake – anonzi Bernard Mapadza (67) uyo anogara paPlot 20, kwaTakuma, kuMhangura.

Muna Ndira gore rino, Mapadza anonzi akabva kumba kwake ndokuenda kunoona Matarutse ndokupedza mazuva akati wandei ariko.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza Gara uyo akabva atanga kumupomera mhosva achiti ainge amutorera mudzimai wake.

“Gara akazodzoka zvakare muna Kukadzi kumba kwaMatarutse apo Mapadza akazouya achikumbira kuti foni yake iiswe moto. Gara akazongodzoka manheru iwayo akabata masimbi ndokusvikorova gonhi achibva apinda mumba,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Mapadza anonzi akaedza kuda kumurwisa asi akakurirwa sezvo ava munhu akwegura.

Gara anonzi akazvuzvurudzira Matarutse panze ndokutanga kumurova zvakanyanya nesimbi mumusoro, akajuja ropa.

Gara anonzi akabva atiza achisiya Matarutse achiita kunge afenda.

Mapadza anonzi akazongoona Matarutse akaoma akabva anomhan’ara nyaya iyi paChinhoyi Police Station.

Insp Mabgweazara vari kukumbira kune vanoziva kuna Gara kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *