Mari yakapera nekutonyora

Arnold Kaseke
VANHU vaive mudare vakatyoka mbabvu nekuseka apo mumwe murume akanga amhan’arirwa nemukadzi wake achida kuti mari yaari kubvisa yemendenenzi iwedzerwe sezvo achitengesa shangu dzemamubhero akati akabhuroka mushure me“kutonyora” apo akange asungwa pamuganhu wenyika nekuti aive apinza zvinhu zvisiri pamutemo.
Evelyn Ndaza naNicholas Chindiro vakaendesana kuHarare Civil Court vachinetsana nekuda kwemari yemendenenzi apo murume aida kuti mari iyi idzikiswe mukadzi achitsika madziro achiti iwedzera.

“Vedare, ndauya kuzoti nditaure nemi kuti mari yanga iri kuburitswa nemurume uyu iwedzerwe. Murume uyu anotengesa shangu dzemubhero dzinomuburitsira $800 kusvika pa$1 000 kana zvakadzora pamwedzi.

Haangambondipa $160 yekuti ndichengete vana vake iye achiwana mari yakawanda kudaro, apa anoti anoda kuti ideredzwe. Patakabva kuno anga atobva kunotenga rimwe bhero kuMozambique,” akadaro Ndaza.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akabvunza Chindiro kana zvaitaurwa nemukadzi wake chiri chokwadi asi akaramba.

“Ini ndinotengesa airtime, zvaari kutaura ndezvekunyepa uye ini ndanga ndiri mucross-border kare. Ndakabatwa ndichiyambuka bhodha zvisiri pamutemo ndakasungwa. Ndakatonyora ndipo pakaperera mari yangu yese.

Ndinowana $120 chete pamwedzi saka ndinokwanisa kuburitsa $15 chete,” akadaro Chindiro apo vanhu vaive mudare iri vakabva vati bvu-u kuseka .

Mutongi Gamuchirai Siwardie akati Chindiro arambe achipa Evelyn $160 pamwedzi yekuchengeta vana.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×