MaSables hutu kuWorld Cup

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika cherugby chemaSables chakanyora nhoroondo mushure mekuhwinha tikiti rekunokwikwidza kumutambo mukuru weMen’s Rugby World Cup 2027, uyo uchatambirwa kuAustralia, zvichitevera kukunda kwachakaita Namibia mufainari yeRugby Africa Cup svondo rapera.

MaSables akakunda Namibia 30-28 mufainari yemutambo uyu, uyo wakaitirwa kuMandela National Stadium kuUganda.

Kuhwinha kwakaita maSables kwakaita kuti chikwata ichi chichichengetedze mukombe wacho weRugby Africa Cup, wachakahwinha gore radarika.

Izvi zvinoreva kuti chikwata ichi chadzokera kumutambo weWorld Cup, uyo chakapedzisira kukwikwidza mugore ra1991, apo wakatambirwa kuEngland neScotland. Zvichitevera kusimudza mureza wenyika kwakaita maSables, President Mnangagwa vakanyora papeji ravo paX vachikorokotedza chikwata ichi.

“Makorokoto kumaZimbabwe Sables nekubudirira kuenda ku2027 #RugbyWorldCup! #ZimbabweSables #RWC2027,” vanodaro President Mnangagwa.

Aka kachange kari kechitatu Zimbabwe ichinokwikwidza kumutambo weWorld Cup, uko yakamboenda mumakore anoti 1987 na1991. Kumitambo iyi, Zimbabwe ndiyo chete yaive yakamirira Africa zvisinei nokuti yakabva isina kumbohwinha kana mutambo mumwe chete.

Mutambo wa1987, uyo wakarongwa nenyika dzinoti Australia neNew Zealand, ndiwo waive wekutanga sangano reWorld Rugby richironga World Cup.

Muchikwata cheZimbabwe panguva iyi maive nevatambi vanosanganisira Richard Utete Tsimba, Dirk Buitendag naMarthinus Grobler.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *