Mash East yoita yunivhesiti

DUNHU reMashonaland East rave pedyo nekuva neyunivhesiti yeHurumende zvichitevera kupasiswa nedare reParamende kwemutemo wekuti Marondera University of Agricultural Sciences and Technology Bill iveko.

Mutemo uyu wamirira kuti mutungamiriri wenyika President Robert Mugabe vaise runyoro kana kuti siginecha yavo.

Matare anoti reSenate nereNational Assembly akapasisa mutemo uyu svondo rapera.

Matabeleland South neManicaland ndiwo bedzi matunhu asara asina mayunivhesiti eHurumende.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwechizvino-zvino, Dr Godfrey Gandawa, vanoti yunivhesiti yeMarondera ichanyanya kudzidzisa zvirongwa zvekurima, sainzi uye ruzivo rwechizvino-zvino, izvo zvinofambirana nebudiriro yenyika ino.

Nhengo dzematare maviri aya dzakapembedza chirongwa chekuti kuMashonaland East kuve neyunivhesiti dzichiti izvi zvinobatsira kusimudzira mabasa ekurima.

Dare reSenate rakaona zvakakosha kuti mumatunhu maviri – Matabeleland South neManicaland – mugovawo nemayunivhesiti eHurumende.

Nhengo dzeParamende dzemapato akasiyana dzakati yunivhesiti yeMarondera inofanira kunge ichitora vadzidzi vanobva kumatunhu ose eZimbabwe.

Dr Gandawa vanoti yunivhesiti iyi ichabatsira mukuderedza dambudziko rekushaikwa kwemabasa.

“Tinofara zvikuru nedanho iri nekuti riri kufambirana nezvirongwa zvinosimudzira upfumi hwenyika, zvikuru munyaya dzekurima. Yunivhesiti iyi ichaita kuti pave nemabhindauko etsvakurudzo anosimudzira kushandiswa kwezviwanikwa,” vakadaro.

Vanoti yunivhesiti iyi ichavakirwa kuClover Hill Farm, chinhambwe chemakiromita mana kubva mudhorobha reMarondera.

Dr Gandawa vanotiwo dare reCabinet rakatopasisa chisungo chekuti kuMatabeleland South neManicaland kuvakwewo mayunivhesiti eHurumende uye changosara chete ndechekuti dare reParamende rikurukure pamusoro penyaya iyi. – The Saturday Herald.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×