Mashoko akakosha mukurwisa Ebola

ZVAKAKOSHA kuti vanhu vagare vakashambidzika sekugeza mawoko uye kuti vasaenda kunzvimbo dzine chirwere ichi.

Murwere ane Ebola anokwanisa kubatsirikana bedzi kana achinge awaniswa rutsigiro rwekurapwa nekukasika.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatsigire homwe yekurwisa Ebola pamwe nekufambisawo mashoko echenjedzo.

Vanhu vanenge vafa neEbola vanofanira kuvigwa nenzira isingabatsire mukupararira kwechirwere ichi kune vasina.

Ebola inotapuriranwa sei?

Vanhu vanogona kutapurirana chirwere ichi apo vanobata mvura dzinobva mumuviri wemunhu ane Ebola dzakadai seropa, manyoka, mate, weti, marutsi kana pabonde.

Vanogona zvekare kubatira chirwere ichi kana vakadya nyama dzemhuka dzine utachiona hweEbola dzakaita setsoko nezviremwa-remwa.

Utachiona uhwu hunogona kupinda mumuviri wemunhu kuburikidza nenzvimbo dzemuviri dzinenge dzakavhurika dzakaita semaburi eganda remuviri, maziso, muromo, mumhuno kana nepamaronda.

Utachiona hunogona zvakare kupararira kuburikidza nekubata mitumbi yevanhu vanenge vafa neEbola kana midziyo yakaita setsono, majekiseni, mapanga ane utachiona.

Ebola haitapurirwi nekuda kwe-?

Chirwere cheEbola hachitapurirani kuburikidza nemhepo, mvura kana kudya kunze kwekuti munhu achinge adya nyama yemhuka inenge iine utachiona.

Zviratidzo zveEbola zvakamira sei?

Kupisa muviri zvekudaika 38.6 degrees or 101.5F kana kutemwa nemusoro kwakanyanya.

Kurwadza kwemhasuro nekurutsa

Manyoka nekurwadziwa kwemudumbu.

Kungobuda ropa zvisina tsarukano.

Ndevapi vari panyatwa yeEbola?

Varapi avo vanenge vari kurapa varwere veEbola vasina kuzvidzivirira zvakasimba.

Mhuri dzinenge dziri kugara pedyo nevane Ebola.

Vanhu vanenge vachichema hama dzavo dzinenge dzarasikirwa neupenyu nekuda kweEbola kana vakabata mutumbi nenzira dzakadai sekuugezesa nezvimwe.

Marapirwo eEbola?

Hakusati kwave nemushonga unorapa Ebola zvisinei nekuti kuchine tsvakurudzo dziri kuitwa idzo dzingangove nepundutso.

Mishonga iyi iri kuongororwa kana ikashandiswa nekukasika iri kuonekwa ichibatsira mukuraramisa vanhu vane Ebola.

Kudzoreredzwa kwemvura dzemumuviri kuburikidza nekushandisa madrip nemvura yemunyu neshuga kunobatsira zvekare.

Murwere anenge achifanira kuwedzerwa mweya wekufema nekuona kuti ropa rake riri kufamba zvakanaka.

Murwere anofanira zvakare kurapwa zvimwe zvirwere zvinonyuka paari nekukasika.

Zvii zviri kuitwa neAfrican Union mukurwisa Ebola:

Sangano reAU riri kutsigira zvirongwa zvekurwisa Ebola kuburikidza nekuendesa uto revarapi (public health military) kuti vanobatsira kunyika dzine chirwere ichi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×