TAWANDA MASWANHISE haana kubva kuMotherwell nomusi wekupedzisira wokutenga vatambi mumwaka wechando asi ari kuramba achiita zvinorova mumutambo uyu.
Akatunzvaidzwa nekudomwa muScotland Premier League Team of the Week.
“Loving Life in ML1,” Motherwell yakanyora padandemutande, paine mufananidzo waMaswanhise achipemberera, apo chikwata ichi chakazivisa nezvekudomwa kwake muTeam of the Week.
“Kunwisa kaviri mukunyudza Livingston, kunwisa ka18 mumitambo yose uye kuve mutambi anwisa kudarika vamwe vose muPremiership. Mutambi wekumberi wekuZimbabwe uyu ange achitamba zvinodakadza svondo rino,” vanodaro veBBC Sports munyaya yavo iri pamusoro peTeam of the Week.
Vamwe vakapinda muTeam of the Week ndevanotevera:
- Jack Butland (Rangers) — Akatamba semvumba apo akatadzisa Hibs kunwisa nemusi weSvondo, izvo zvakaita kuti mutambo uyu upere uri mangange kuEaster Road.
- Paul McGinn (Motherwell — Anoramba achitamba seshasha kumashure kuMotherwell, iyo yakakunda Livingston nemusi weMugovera.
- Robbie Deas — (Kilmarnock) — Akaita kuti pave nehwaro hwakasimba apo Kilmarnock yakakunda Aberdeen mumutambo uyu, wayakahwinha zvinodakadza.
- Kieran Tierney (Celtic) — Kukosha kwake kuCeltic kuri kuonekwa nekufamba kuri kuita nguva mushure mekubudirira mumwaka wokutanga.
Kunze kwavo, vamwe vatambi vakapinda muTeam of the Week ndevanoti: Harry Milne (Hearts), Brad Lyons (Kilmarnock), Elijah Just (Motherwell), Pierre Landry Kabore (Hearts), Tyreece John-Jules (Kilmarnock) naAlexandros Kyziridis (Hearts). – Sports Reporter/BBC




