Maswanhise orwira mubairo weGolden Boot

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors eZimbabwe neMotherwell yekuScotland Tawanda Maswanhise ari murwendo rwekurwira mubairo weScottish Golden Boot, zvichitevera kupisa kwaari kuita muWilliam Hill Premiership.

Kusvika pari zvino, Maswanhise akwanisa kunwisa ka14 kubva mumitambo 24 muScottish Premiership uye akaenzana naBenjamin Nygren weCeltic, uyo anwisawo ka14 asi atamba mitambo 27.

Vaviri ava ndivo vari kutungamira pakunwisa mwaka uno muScottish Premiership vachirwira mubairo weGolden Boot, uyo unopihwa kumutambi anenge anwisa kudarika vamwe vose mumwaka wenhabvu.

Maswanhise naNygren vanoteverwa naClaudio Braga pamwe chete naLawrence Shankland, veHeart of Midlothian, avo vose vanwisa ka11 mumitambo yakasiyana.

Braga atamba mitambo 28 yeHearts, uye Shankland atambawo 21 yeHearts.

Zvakadaro, Maswanhise masvondo adarika akahwinha mubairo weWilliam Hill Premiership Player of the Month wemwedzi waNdira, apo akatamba nhabvu yainwisa mvura.

Akanwisa kashanu mumitambo mina mumwedzi uyu. Mubairo uyu waive wechipiri waMaswanhise; akambouhwinha zvakare muna Mbudzi gore rakapera.

Matambiro ari kuita muchinda uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, akaita kuti zvikwata zvinosanganisira Rangers, Celtic neAnderlecht zvizame kumutenga muna Ndira asi chikwata chake (Motherwell) chakarambira naye, chichiti hachisi kumutengesa sezvo chiri kurwira kuti chigowana tikiti rekutamba mumitambo yemuEurope mwaka unotevera.

Zvakadaro, mumwe mutambi wemaWarriors neParis FC, Marshall Munetsi, akanwisa kekutanga musi weMugovera wadarika apo chikwata chake chakaita mangange neToulose 1-1 mumutambo weFrench Ligue 1, uyo wakatora nzvimbo kuStadium de Toulouse.

Paris FC ndiyo yakatanga kunwisa, ndokuzodzorwa neToulouse patambwa maminitsi 87 mutambo uyu wave kuda kunopera.

Kubva zvaaenda kuParis FC muna Ndira nechikwereti achibva kuWolverhampton Wanderers, Munetsi akwanisa kutamba mitambo mitanhatu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *