Matambudziko anouya nemari

Munyaradzi Gunduza

KUMBA KWEDU —
Mudetembi anoburitsa kuti kunyange ukave nemari yakawanda, asi uine ngozi zvinokutambudza kwehupenyu hwako hwose sepaanoti, “Pfumvu ndimukoma vane mazazanana emari, asi vave kufamba vakabatira upenyu mumaoko nokuti benzi ravakachekeresa rave kuvamukira.”

Mudetembi anotsanangura zvakare kuti pfumvu kuromba divisi iro rinozoita kuti ushungurudzike kunyange wave mutana sezvo zvichizokonzeresa kuti mhuri yako ife sepaanoti, “Pfumvu mutana agere pasi pemuunze achingozvibaya ega neshungu pamusoro pedivisi raakatora kuna godobori, zvino nhasi musha rangove dambiro raChinwaropa.”

Rimwe detembo rinotsanangura zvinobata upenyu hwanhasi ndiVaMari rakanyorwa naManatsa. Mudetembo iri nyanduri ari kutaura nezvematambudziko anounzwa nemari muupenyu hwavanhu iyo inoti ikashaikwa vanhu vanosuwa, asi iripo zvakare inokonzera kusanzwanana mudzimba.

Nyanduri anojekesa kuti kana vanhu vakashaya mari vanobva vatsamwa, uye rudo mudzimba rwakanganisika seapanoti, “Muchingofuratira bedzi muromo mumhino wi-i, rudo runotanga kuvava semhiripiri.”

Nyanduri anoburitsa zvakare kuti mari haina chayakanakira paanoti, “Tikushaiwei tinochema nemi, tikuwaneizve tinongochema nemi.” Mudetembi anotsanangura zvakare kuti maitiro emari haafadzi Musiki apo anoti, “Asi chinzwai imi VaMari mamwe maitiro enyu anogumbura Zame.”

Detembo rekupedzisira rinotsanangura zvinobata upenyu hwavanhu rinonzi Fesibhuku rakanyorwa naMakuni. Mudetembo iri nyanduri ari kutsanangura kunaka pamwe chete nekuipa kwakaita fesibhuku iyo inobatsira vanhu pamwe chete nekuvapa matambudziko vakasaishandisa nemazvo.

Nyanduri anotsanangura kuti fesibhuku yave kuita kuti vanhu vasanetseke pakupfimbana sezvo pachisina zviye zvokumbohwanda namakwenzi munhu achitevera musikana, asi vave kutongokwanisa kutaurirana pafesibhuku sepaanoti, “Yakapera nguva yekuhwanda namakwenzi padzvetsva.”

Mudetembi anotsanangura zvakare kuti vamwe vanhu vave kuita chipfambi kubudikidza nefesibhuku apo anoti, “Hezvo vamwe vakusvibisa zita vachiita chipfambi kubudikidza nezita rako.”

Nyanduri anotsanangura kuti fesibhuku yatora basa ravanambuya rekuraira nekutandadza vazukuru nengano paanoti, “Yakaenda nguva yokuudzwa ngano navanambuya pachoto. Yakaenda zvayo yokurumwa nzeve navanatete, zvangove fararira pamunhu mumwe iwe zimbuya – zitete ravamwe vanhu.”

Mudetembo iri nyanduri anotsanangura zvakare kuti vanhu havachadi kuita mabasa vave kupedza nguva yakawanda vari pafesibhuku vasingaite basa paanoti, “Tarira kusuka mapoto vakunda havachada, nhambo dzongoperera mukushamwaridzana newe.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *