Matarenda evechidiki osimudzirwa

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimirira reHard Mashona Arts and Culture Trust roshanda pamwe chete nevaimbi vemisambo yakasiyana mukusimudzira matarenda evechidiki munyaya dzemimhanzi pamwe neutano hwavo. Muhurukuro nemukuru wesangano iri, Andrew Musoni, anoti vakaona zvakakosha kuti vasimudzire vechidiki vane zvipo zvekuimba uyewo nekuvandudza utano hwavo.

“Tichange tichiita mashoo nevaimbi vakasiyana vanosanganisira vechitendero neveZim-dancehall tichitsvaga mari yekuvandudza hupenyu hwevechidiki vane zvirwere zvinoda kunovhiiwa kunze kunyika dzakaita seIndia,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Mukana uyu tichaupa zvakare vechidiki avo vane matarenda ekuimba patichange tichifamba mapurovhinzi ese tichitenderera Zimbabwe. Donzvo redu nderekusimudzira vechidiki vane matarenda ekuimba nekunyora nziyo.”

Anoti zvinorwadza kuona kuti kune vamwe vechidiki vane zvipo zvinokwanisa kuti vawane raramo muhupenyu hwavo asi vari kushaya rutsigiro ruzere.

“Kune vechidiki vane matarenda ezvekuimba vari kushaya zvakare vari kuvabatsira zvinova zvinoita kuti vamwe vacho vazowanikwe vave kuputa nekunwa zvinodhaka,” anodaro Musoni.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×