Maticha oridza marimba

VADZIDZISI kubva kuzvikoro zvinosvika 20 zvepuraimari nesekondari zviri kumativi mana enyika vari kufundiswa kuridza marimba nesangano reNational Art Gallery of Zimbabwe nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo izvi.

Murongi wechirongwa ichi ari zvakare mudzidzisi wemarimba, VaDon Chidavaenzi, vanoti zvidzidzo izvi zvakakosha nekuti vamwe vana vechikoro vanogona kuzowana raramo kuburikidza nekuridza marimba mune ramangwana.

“Takaona zvakakosha kuti vadzidzisi vave neruzivo rwekukosha kwemarimba naizvovzo ichi chirongwa chekutangisa uye tine chivimbo chekuenderera mberi nekudzidzisa vadzidzisi vemapurovhinzi ose kubva kupuraimari kusvika kusekondari,” vanodaro VaChidavaenzi.

VaChidavaenzi, avo vanove zvakare muvambi wesangano reTambarimba Arts, vanoti zvakakosha kuti mitambo yakaita semarimba ivandudzwe muzvikoro.

“Kune vana vechikoro vakawanda vane matarenda ekuridza marimba nekudaro vamwe vavo vanogona kuzowana chouviri mune remangwana kuburikidza nekuridza marimba. Vazhinji chaizvo vamwe vafamba kunyika dzakasiyana nekuda kwekuridza marimba.

“Ini wacho rinotova basa rangu rekuridza marimba, zviri kutondipa raramo muupenyu hwangu uye ndizvo zvakaita kuti ndive nechido chekuvandudza mutambo uyu,” vanodaro.

VaChidavaenzi vanoti zvidzidzo izvi zvinofanira kuitwa kubva kudanho rekireshi.

“Ngoma nehosho zvinofanirwa kukosheswa, donzvo redu nderekuti titangire kubva kune vana veEarly Childhood Development (ECD) sezvinoitwa kune dzimwe nyika,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *