Matsotsi hokoyo nembwa

Malven Mugadzikwa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutora matanho akasimba ekurwisa kuparwa kwemhosva mukati muHarare nenzvimbo dzakapoteredza.

Izvi zvakataurwa naOfficer Commanding Harare Central District, Chief Superintendent Oscar Mugomeri, mumashoko avo avakaverengerwa nemusi weMuvhuro uno naSuperintendent Hildah Mhindu pakamba yemapurisa yeMilton Park, apo paiparurwa chirongwa chekuvakwa kwedzimba dzinochengeterwa imbwa dzemapurisa.

Pachiitiko ichi mapurisa echikamu cheNeighbourhood Watch Committe 15 vakapihwa mabhasikoro ekushandisa kutenderera munzvimbo yeMilton Park vachiona kuti hapana kuparwa kwemhosva.

“Ndinoda kutenda veCrime Consultative Committee nekubatsira kwavakaita kuti pave nezvekuvakisa dzimba dzinogara imbwa idzo dzinoshandiswa mukuronda makororo munzvimbo yeMilton Park,” vanodaro Chief Supt Mugomeri.

Vanoti imbwa dzakakosha munyaya dzekurwisa kuparwa kwemhosva.

“Imbwa dzakakosha zvikuru pakuronda mbavha nekuti dzinotevedza hwema zvinoita kuti mbavha kana makororo vakasike kubatwa. Pari zvino tanga tiine dambudziko rekuti imbwa dzedu dzevechikamu chinoshanda nembwa dziri kuwanikwa kure, kuMalbereign, zvinova zvanga zvichikanganisa kuti mbavha dzitevererwe nekukasira kana pakaparwa mhosva muguta.

“Chikamu chemapurisa cheHarare Central District change chine dambudziko zvakare rekushandisa motokari imwe chete,” vanodaro Chief Supt Mugomeri.

Mashoko avo anotsinhirwa naActing Staff Officer Canine, Chief Inspector Nicodemus Danga, vachiti kuvakwa kwedzimba dzekuchengetera imbwa idanho guru munyaya dzekuderedza kuparwa kwemhosva.

“Imbwa dzinoshanda zvakanyanya mukuronda mbavha. Kuvakwa kwechikamu chembwa uku chiratidzo chekuti seZRP, tinoteerera zvichemo zvevanhu zvekuti pave nenzira dzakasiyana dzekuti tideredze kubirwa kwevanhu nekuderedza kuparwa kwemhosva munzvimbo dzavagere. Vanhu havafanire kugara vaine kutya kana isu mapurisa eZRP tichikwanisa kubatsira mukurwisa kuparwa kwemhosva nekuderedza makororo anobhinya vanhu nguva dzemanheru,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *