Uku ‘vodya maB’, uku vachidya hove

Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheEpworth High School, pedyo neHarare, chiri kubudirira zvikuru muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kurima nekupfuya hove, izvo zviri kufambirana nezviri mugwaro rezvedzidzo reNew Curriculum.

Pachikoro apa pari kuitwa zvimwe zvidzidzo zvakaita sekuchengeta huku, tsuro, kusona nekubika.

Zvidzidzo izvi zvinofambirana zvakare nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheVision 2030.

Mukuru wechikoro ichi, VaChristopher Kadenge, vanoti mabhindauko akadai sekupfuya hove, kuchengeta huku netsuro anobatsira vana mune ramangwana ravo.

“Tine vana vanoita zvekurima, saka vanoti kana vachinge vafunda mukirasi, voenda kudhamu kunoona machengeterwo ehove nekumatanga ehuku vachiona kuti huku dzinopfuiwa sei nekuzivawo chikafu nezvirwere zvinobata zvipfuyo izvi.

“Izvi zvinoita kuti vana vakurumidze kubata zvavanenge vachidzidziswa. Mabhindauko aya ari kubatsira zvakare chikoro chino nekuti anotiwanisa mari apo tinotengesa mazai nehuku uyewo nehove dzatinoraura mumadhamu maviri echikoro atakavakisa pano,” vanodaro.

VaKadenge vanoti kuchikamu cheHome Economics, vana vane zvitofu nemapoto zvavanoshandisa muzvidzidzo zvekubika uye michina yekusona mbatya idzo vanozotengesa.

Pachikoro apa pane makombiyuta ayo vana vanofundira zvidzidzo zvekufambiswa kwemashoko nenzira yechizvino-zvino, yeInformation and Communication Technology (ICT).

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *