Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chemaWarriors chine gomo guru rekukwira apo chiri kusangana necheBenin pamutambo wekurwira kuenda ku2026 FIFA World Cup uyo uchatambirwa kunhandare yeMoses Mabhida Stadium kuDurban, kuSouth Africa munguva pfupi iri kutevera.
MaWarriors achasangana neBenin musi wa20 Kurume mumutambo wemuboka ravo muGroup C.
Kusvika parizvino, maWarriors ndiwo akasenga ari pasi muboka iri aine zvibodzwa zviviri kubva pamitambo mina uye ari kufanirwa kuhwina mitambo yawo yasara kana achida kuwana mukana wekuenda kuWorld Cup.
Muboka rine maWarriors reGroup C, mune zvimwe zvikwata zvinoti Rwanda, South Africa neBenin izvo zvose zvine zvibodzwa zvinomwe parizvino, kuchiti Lesotho ine zvibodzwa zvishanu neNigeria iyo ine zvibodzwa zvitatu.
Nekuda kwekuti muZimbabwe parizvino hamuna nhandare iri padanho rinodiwa neCAF neFIFA, zviri kuona mitambo yenyika uye neyezvikwata zvemuno inoti yeCAF Champions League neCAF Confederations Cup ichitambirwa kunze kwenyika.
Sangano reZimbabwe Football Association (ZIFA) rakazivisa kuti mutambo wechikwata chenyika chemaWarriors neBenin uchatambirwa kunhandare yeMoses Mabhida Stadium kuDurban.
Nguva pfupi yadarika, mutungamiriri mutsva weZimbabwe Football Association (ZIFA) – Nqobile Magwizi – akataura zuva raakasarudzwa kuti anoda kuona mitambo yenyika yese ichitambirwa muno.
Magwizi akatsidza kuti achashanda nesimba kuti nhandare dzemuno dzigovandudzwa kusvika padanho rinotenderwa kuti dzitambirwe mitambo mikuru.
Muchinyorwa chiri padandemutande reX, ZIFA yakazivisa kuti mutambo wemaWarriors waifanirwa kutambirwa kuPolokwane, asi zvakazoshandurwa sezvo chikwata cheSouth Africa cheBafana Bafana chakazonzi ndicho chiri kushandisa nhandare iyi.
“Sangano reZimbabwe Football Association rinoda kuzivisa kuti Zimbabwe Senior National Team, maWarriors achatamba mutambo wavo weMatchday 5 wemuboka reGroup C weFIFA World Cup qualifier neBenin kunhandare yeMoses Mabhida Stadium kuDurban, South Africa.
“Pakutanga, ZIFA yaida kuti mutambo uyu utambirwe kuPolokwane asi Bafana Bafana ndiyo yave kushandisa nhandare iyi izvo zvakaziviswa munaNdira nekudaro dzimwe nhandare dzakazotsvagwa.
“Nhandare dzekuJohannesburg hadzisi kukwanisa kutambirwa nekuda kwemitambo yerugby iriko uye nezvimwe zvirongwa, kuchiti yekuCape Town iri pakati pekuvandudzwa.
“Mushure mekuita tsvakurudzo yakasimba, takazoona kuti nhandare yeMoses Mabhida Stadium ndiyo inokodzera sezvo yakambotambirwa mitambo mikuru uye inoenderana nematambiro edu.
“ZIFA ine mufaro kuunza maWarriors pedyo nevatsigiri vayo vari kuDurban nemudunhu rino,” inodaro ZIFA.




