‘Mayweather anogona kudzoka mutsiva’

FLOYD Mayweather (Sr) akayambira mwana wake kuti anogona kudzoka mutsiva asi anoti izvi zviri mumawoko ake iye ‘Money’ sezita remadunhurirwa raFloyd Mayweather (Jnr). Mayweather (Jr) akabuda pachena kuti ave kusiya tsiva mushure mekunge akunda Andre Berto izvo zvakaona achihwina mitambo 49 asina kumbobvira akundwa, asi baba vake vave kutotaura kuti angagone kurwa zvakare kuti apfuure nhorowondo yakanyorwa naRocky Marciano.

Mushure mekunge akunda Berto nezvibodzwa nguva pfupi yadarika, Mayweather (Sr) ari kukurudzira mwana wake kuti anyatsofungisise zvakadzama nenyaya iyi hunge kana morari uchiri maari.

Muhurukuro neboxingscene.com, muchinda uyu (62), akati, “Vatambi vazhinji vakuru akavakunda vose. Ari kufanirwa kuita sei, kudzokera kumashure ovarova zvakare?

“Tsiva haiitwe izvozvo. Kana wasvika pane chimwe chidanho, mwanakomana wangu akakwanisa kuita zvose nemarekodhi ose. Hapasisina chasara chekuti angarwire asi kuti anorwa paanenge ada iye.

“Handikwanise kumusarudzira ini. Ini ndongotaura zvandinenge ndichida kutaura chete. Handikwanise kumutaurira iye. Murume mukuru paari. Ini ndinoziva zvandinoita ndirini. Ndinozviziva nekuti hapasisina chekurakidza. Vanhu vazhinji mazuva ano chavanoda mutsiva kutsvaga mari asi iye anayo saka chimwe chii?

“Hakusi kuti ane mari shoma kwete. Ane mari yakawandisa chaizvo. Hapana chimwe chikonzero chekuda kuzvirakidza kana zvisiri mauri uye kana usinganzwe kuda kuzviita. Handina basa nezvichataurwa nevanhu. Kana usinganzwe zviri mauri siyana nazvo”.

Mayweather (Jr) akapinda mutsiva mugore ra1996 uye akakwanisa kukunda vamwe vatambi vakaita saOscar De La Hoya, Ricky Hatton, Shane Mosley, Miguel Cotto, Saul Alvarez naManny Pacquiao mumutambo uyu izvo zvaita kuti asvike padanho rakasvikwa naMarciano.— Sky Sports News

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×