Mayweather oyambira Nurmagomedov

FLOYD Mayweather oyambira Khabib Nurmagomedov apo akatarisana nemutambo wake naConor McGregor weUFC 229.

Chizvarwa chekuRussia ichi chicharwa kuchengetedza bhande rake relightweight kubva kuna McGregor muIrish uyo ari kudzoka mumutambo uyu, mumutambo uchatambirwa kuT-Mobile Arena kuLas Vegas musi waGumiguru 6.

Mayweather – uyo akakunda McGregor mumutambo wakaburitsa mari zhinji wetsiva gore radarika – anoyambira Nurmagomedov uyo asati ambokundwa mumutambo weMMA kuti munhu waacharwa naye haana waanotya.

“Conor haadzokere shure uye haambotye kana munhu zvachose, kuhwina kana kukundwa kana kuita mangange,” Mayweather akaudza mutori wenhau weTMZ Adam Glynn kuHard Rock Hotel and Casino kuAtlantic City svondo rino.

“Conor ari kuzorwa mutambo uyu.

“Handingakwanise kutaura kuti achahwina ndiani nekuti munhu ari kusangana naConor McGregor handisati ndambomuona hangu achirwa, asi kubva pane zvandakanzwa pamusoro pake, mutambi anorwa zveshuwa uye anogona kuparadza munhu, chipo chiripo.

“Asi, vatsigiri vanoda kukuona uchisimuka uchirwa. Ndizvo vatambi vanoda kuona chete.

“Conor McGregor, mutambi anonetsa kurwa naye nekuti mutambi wepamusoro.

“Sekutaura kwandamboita kare, Conor McGregor haasi kuzotya kupinda mumutambo uyu, haatye,                         murwi chaiye.” – SportsMail MMA

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *