Mbada Diamonds Cup yadzoka

MUTAMBO weMbada Diamonds Cup wakaparurwa svondo rino muHarare uye gore rino uchaona zvikwata zvina izvo zvichapedza zviri pamusoro muligi reCastle Lager Premiership zvichirwira mukombe uyu.
Achitaura svondo rino pakaparurwa mutambo uyu, sachigaro weMbada Diamonds Cup, George Manyaya akati gore rino richange rakasiyana nemamwe makore adarika sezvo zvimwe zvikwata zvemuPSL izvo zvichatadza kupinda muTop 4 zvichangopihwa mari kunyangwe hazvo zvisina kukava bhora mumutambo uyu.

“Mutambo weMbada Diamonds Cup wadzoka zvekare asi wegore ra2014 wadzoka une musiyano sezvo zvikwata zvina chete ndizvo zvichange zvichibandana mumutambo uyu.

“Pachapera mitambo yeligi yeCastle Lager Premiership, zvikwata zvina izvo zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichakwikwidza mumutambo uyu uye zvichahwina musemi-fainari ndizvo zvichabva zvapinda mufainari yacho.

Kuronga kwatiri kuita mutambo wegore rino tinoona kuchibatsira kusimbisa mutambo uyu pamwe nekuita kuti unakidze zvikuru.

“Tinoziva kuti zvimwe zvikwata 12 zvichatadza kupedza zviri pamusoro zvinogona kubatikana sezvo zvinenge zvakatarisirawo kukwikwidza mumutambo uyu saka isu takazviona takakodzera kuti tichazvipawo mari inosvika US$10 000 kunyangwe zvisina kukava bhora,” akadaro Manyaya. Gore rino, kusiyana nemamwe makore ese, chikwata chichasimudza mukombe chichawana US$50 000 uye chichakundwa mufainari chichapihwawo US$30 000.

Zvimwe zvikwata zviviri izvo zvichakundirwa kumasemi-fainari zvichiwaniswawo US$15 000.

Manyaya akaenderera mberi ndokuti mutambo wegore rino uchatanga apo pachapera ligi rePSL uye sangano rePremier Soccer League ndiro richazivisa kuti uchatambirwa kupi nemazuva acho.

“Zvese tave kuzvisiira mumaoko ePSL sezvo iriyo icharonga mazuva achatambwa mitambo iyi,” akadaro Manyaya.

Mutambo uyu wakatanga mugore ra2011 Dynamos FC ndokuuhwina pamwe nemuna 2012 asi gore radarika Highlanders FC ndiyo yakatora mukombe uyu apo yakakunda How Mine mufainari.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×