Tendai Gukutikwa
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) aishanda achiongorora mafambiro ezvinhu mumugwagwa weBirchenough Bridge-Mt Selinda akawana mbanje inorema makgs 31,5 mubhazi iyo yaiva yakaiswa mumasaga emabanana.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoyambira vanhu vanotengesa zvinodhaka kuti vachengetedzi vemitemo vanogara vakarindira nguva dzose kuona vanotyora mitemo nekudaro vacharamba vachirwisa kutengeswa nekutorwa kwezvinodhaka.
Vanoti basa rekutsvagwa kwezvinodhaka rakaitwa nemapurisa eZRP Chipinge Traffic rakaita kuti kuwanikwe mbanje inokosha US$3 500, apo anofungidzirwa kuti muridzi wayo akabva atiza nemukati merima aona chabvondoka mushure mekuwanikwa kwayo.
“Nemusi wa18 Zvita nenguva dza8 usiku, mapurisa eChipinge Traffic matatu vaimisa motokari mumugwagwa vakawana mbanje iyi, apo vaimisa motokari dzakasiyana kusanganisawo nemabhazi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Vanoti mapurisa aya pavakasvika pachinhambwe che58 kilometre-peg paMashiri Turn Off, vakamisa bhazi reInter Africa iro rine nhamba dzinoti AGJ 9539 apo mutyairi waro akabva arimisa.
“Bhazi iri ramira kudaro, mapurisa akatanga kusecha mukati mebhazi ndokuzonzwa hwema hwembanje hwaibva mubhuti rekumashure rekuruboshwe. Vakazoburitsa mikwende yose yaiva mubhuti iri apo vakawana masaga mana embanje yaiva mukati memabanana,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Vanoti pekutanga, mapurisa vakamboona sekunge zvirimwa sezvo mbanje iyi yaiva mukati memabanana.
“Mapurisa pavakasecha mukati memabanana vakazoona muine zvigafutu nemidzatsa yembanje mukati memabanana aya. Marongerwo aiva akaitwa mbanje iyi aiva ekurasisa mapurisa kuti vafungire kuti zvirimwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka. Mutyairi webhazi nakondakita wake vakabvunzwa nemapurisa, vakataura kuti vaisaziva muridzi wemasaga aya.
“Paibvunzwa mutyairi wemabhazi nakondakita wake, pane mumwe murume aiva mubhazi umu akazongobuda ari bara kutiza ndokupoya nepamusuwo achimhanya nemusango mukati merima achienda kusina anoziva,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Mbanje iyi yakabva yazotorwa nemapurisa pamwechete nemabanana ndokuendeswa kumapurisa eZRP Chipinge.
Mapurisa vane fungidziro huru yekuti murume akatiza uyu ndiye muridzi wemasaga aiva nembanje aya.
“Masaga embanje aya akazoyerwa paZIM Post Chipinge akawanikwa achirema makgs 31 500 grammes iyo yaikoshawo US$3 500. Kufeewa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi nechinangwa chekuti muridzi wembanje iyi asungwe,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Vanokumbira kuruzhinji kune vanoziva muridzi wembanje iyi kuti vazivise mapurisa ari padyo navo.



