KWAYEDZA

Mbavha mbiri dzotongerwa kugara mujeri kwemakore 12

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akarumbidza matare edzimhosva nevoruzhinji nekushanda pamwe chete mukurwisa kuparwa kwemhosva zvichitevera kutongwa kwevarume vaviri, avo vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri.

Harare Magistrates’ Court yakapa Tanaka Java (42) naRonald Rubare (28) makore gumi nemaviri pamunhu ekugara mujeri pamhosva yavakapara yekuba vakapakata.

Vaviri ava vanonzi vakatongwa nokuda kwenyaya yekubira munhu anoita basa rekupa vanhu mari

nomusi wa7 Kukadzi gore rino nenguva dza12 masikati.

Zvinonzi vaviri ava, pamwe chete nemumwe wavo asati abatwa, vakanohwandira mumhan’ari, ndokumuvhundutsira nepfuti, ndokumumanikidza kuvhura nzvimbo yaanoshandira uye sefa yemari.

Makororo aya akabva aba ZAR26 600 neUS$5 631, ndokutiza. Mapurisa anoti mumhan’ari uyu akabva aridza mhere, izvo zvakaita kuti voruzhinji vamhanye kunomununura, vachibva vatanga kudzingirira mbavha idzi.

Vakabva vabata Java, ndokumuwana aine US$ZAR10 000.

Voruzhinji ava vanonzi vakazozivisa mapurisa aiva pabasa munzvimbo iyi, akabva atangawo kutandanisa Rubare.

Vasungwa vakazomiswa mudare redzimhosva nomusi wa29 Gunyana.

Mune imwe nyaya, Darlington Simango Zimba (19) akatongwa nomusi wa2 Gumiguru gore rino, ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri nemhaka yokuba.

Nomusi wa19 Gunyana gore rino, Zimba, uyo aishanda mubindu pamba pemumhan’ari, kuRuwa, anonzi akatora mukana wokuti mushandirwi wake aisavapo, ndokuba US$135 000.

Nyaya iyi inonzi yakazobuda pachena nomusi wa21 Gunyana apo muridzi wepamba apa, anova mudzimai, akadzoka kubva kurwendo rwebhizimusi, ndokuona kuti mari yake yaiva yabiwa.

Matikitivha eCriminal Investigations Department (CID) epakamba yekuHighlands akabva azosunga Zimba nokuda kwenyaya iyi.

Zvakadai, mapurisa ari kutsvaga David Simango Zimba nokuda kwemhosva imwe cheteyo. Akakurudzira voruzhinji vane mashoko angabatsire pakubata murume uyu kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo kana kushandisa nhamba yekuPGHQ yeWhatsApp inoti 0712 800 197 kana yeNational Complaints Desk inoti 0242 703 631.

Mutauriri wemapurisa echikamu cheCID, Detective Inspector Rachel Muteweri, vakarumbidza voruzhinji nekuramba vachidyidzana nemapurisa mukuvapa mashoko akakodzera kuti nhubu dzisungwe, dzichiendeswa kunokodzerana nadzo, kumajeri.